Accessibility links

Breaking News

Epworth Inoudzwa Kuti Haina Mvumo yeKuputsa Dzimba


Zimbabwe Epworth Demolish
Zimbabwe Epworth Demolish

Dare repamusoro ramisa neChina kupwanywa kwedzimba ku Epworth mumutongo watambirwa nevagari vemunzvimbo iyi.

Mutongi wedare iri, Va Nicholas Mathonsi, vatura mutongo wekuti Epworth Local Board, pamwe nehurumende, vamire kupwanyira vanhu dzimba mumusha we Epworth uri kumahombekombe kweguta re Harare.

Va Mathonsi vati vanenge vachida kupwanyira vanhu dzimba vanofanira kutanga vatsvaga mvumo kumatare vasati vaita izvi.

Mutongi wedare ati kunyange hazvo pasina mutemo wakadzikwa unoti vanhu havafanire kubviswa pavanogara zvisiri pamutemo seuri ku South Africa nedzimwe nyika, bumbiro remitemo yenyika rinokoshesa kuti munhu wese ave nepekugara saka nokudaro bumbiro remitemo idzva ndiro rinofanirwa kutevedzerwa kudzamara mitemo yose yananganiswa nebumbiro iri.

Gweta ranga rakamirira vagari veku Epworth, Va Tonderai Bhatasara, vatsinhira zvaturwa nedare.

Va Bhatasara vati vafara zvikuru nemutongo waturwa nedare nhasi vachiti dare racherechedza kuti ikodzero yezvizvarwa kuva nepekugara.

Mumwe mugari weku Epworth, Va Peter Makani, avo vakakwidza nyaya iyi kudare, vati hupenyu hwavawomera kubva pakapwanywa dzimba dzavo masvondo mashoma adarika.

Zvichakadai, Va Bhatasara vati mutongo waturwa nedare uyu uchasungira vari muhurumende kuti vasapwanyire vanhu dzimba vasina kupihwa mvumo nematare .

Vamwe vagari veku Chitungwiza vakapwanyirwawo dzimba nekanzuru yavo asi dare rakati nyaya iyi hainganzwikwe nechimbi-chimbi.

Kupwanyirwa kwakaitwa vanhu dzimba ku Epworth neku Chitungwiza kwakakonzera kuti vanhu vazhinji munzvimbo vasare vasina pekugara izvo zvakashorwa nemasangano anorwira kodzero dzevanhu.

Vagari veku Epworth vakaendesa kumatare, gurukota rezvematunhu, Va Ignatious Chombo, gurukota rinowona nezvinoitika mukati menyika, Va Kembo Mohadi, mukuru wemapurisa, Va Augustine Chihuri, pamwe ne Epworth Local Board vachiti kuputswa kwedzimba dzavo kwakanga kusiri pamutemo.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG