Sangano remubatanidzwa wemasangano anomirira vagari mu Harare nenzvimbo dzakaikomberedza re Harare Metropolitan Residents Forum rasvitsa gwaro renyunyuto kumutungamiri wenyika pamwe nemukuru wemapurisa maererano nekupwanywa kuri kuitwa dzimba nezvivakwa mu Chitungwiza, Epworth nedzimwe nzvimbo mu Harare.
Vachitaura nevatori venhau mu Harare neChitatu, mumwe wemasachigaro e Hamref uye vari sachigaro wesangano rinomirira vagari vemu Harare, Va Simbarashe Moyo, vati masangano anomirira vagari, ayo ari kushanda ari pasi pe Hamref, anyorera mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, gwaro achinyunyuta nekupwanywa kuri kuitwa dzimba nekanzuru ye Chitungwiza pamwe ne Epworth Local Board.
Va Moyo vati Va Mugabe vanosungirwa kuti vachengetedze bumbiro remitemo yenyika iro rinopa chizvarwa chese chenyika kodzero yekuva nepekugara.
Va Moyo vatiwo vanyorera mukuru-mukuru wemapurisa, Va Augustine Chihuri, kuti vawone kuti vese vari kutyora bumbiro remitemo yenyika pamwe nekusatevedzera mitongo yematare vasungwe maererano nekupwanywa kwedzimba ku Chitungwiza neku Epworth.
Dzimba dzinodarika mazana matatu dzinonzi dzakapwanywa mu Chitungwiza chete nekanzuru yedhorobha iri ipo pane mutongo wedare wanga uchirambidza kanzuru kuputsa dzimba idzi.
Asi mabharani wekanzuru ye Chitungwiza, Va George Makunde, vanoti dzimba dzakapwanywa mu Chitungwiza nekanzuru yavo hadzisi pane idzo dzakanzi nedare dzisaputswe. Va Makunde vanoti kanzuru yavo iri kupwanya dzimba dzakavakwa zvisiri pamutemo.
Asi vamwe vevakapwanyirwa dzimba vanoti vane magwaro avakapihwa nekanzuru anoratidza kuti dzimba idzi vakadzivaka zviri pamutemo.
Nekune rumwe rutivi, Va Moyo vati vachaita musangano nameya we Harare, Va Benard Manyenyeni, mukuedza kwemasangano anomirira vagari kumisa kupwanywa kwenzvimbo dzekutengesera dziri kupwanywa nekanzuru dzichinzi hadzisi pamutemo.
Va Moyo vanoti munhu wese ane kodzero yekuva nepekugara zvisinei nekuti nzvimbo yaanogara iri pamutemo here kana kuti kwete. Nokudaro, vati makanzuru haana mvumo yekupwanya dzimba dzevanhu asina kuvatsvagira pamwe pekugara.
Va Moyo vati Hamref iri kupa mutungamiri wenyika pamwe nemukuru wemapurisa mazuva manomwe kuti vatore matanho panyaya yekupwanywa kwedzimba. Vatiwo vachasvitsawo nyaya iyi kukomisheni yesangano re Africa Union rinowona nezvekodzero dzevanhu re African Commission on Human and People’s Rights.
Mumwe mugari wemu Chitungwiza uyo akaputsirwa imba yake mambakwedza emusi we Chishanu svondo rapera, Amai Tendai Chisuse, vanoti havachaziva kana pekutangira zvichitevera kupwanywa kwemba yavo.
Zvichakadai, mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, vakavimbisa vagari vemu Chitungwiza pavaitsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo dzegore rapera kuti hapana munhu aizopwanyirwa imba yake vachiti huori mukanzuru ndihwo wainge hwanyanya.