Nhengo dzeparamende dze MDC-T mbiri pamwe chete nemutori wenhau anoshanda akazvimirira, vambochengetedzwa nemapurisa mu Harare zvichitevera kuratidzira kwaitwa nevechidiki vebato iri vachiti vanoda mabasa kubva kuhurumende.
Vechidiki vebato re MDC-T vanga vachidarika mazana matatu vaungana mudhorobha mu Harare vachiratidzira vachiimba vakatakura zvinyorwa zvakasiyana-siyana vachiti vanoda kuti hurumende ivape mabasa.
Zvimwe zvezvinyorwa izvi zvanga zvakanzi “Tinoda Mabasa Edu” uye kuratidzira uku kunouyawo apo mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, vari kutadza kuzadzisa zvavakavimbisa pamberi pesarudzo kuti hurumende yavo ichagadzira mabasa anodarika mamiriyoni maviri.
Panze pedare reparamende, mapurisa anga akapakatira zvombo amhanyisana nevaratidziri ava avo vanga vachida kusiya gwaro ravo renyunyuto kuparamende zvapedzisira zvaita kuti varatidziri vatadze kusvitsa gwaro iri.
Varatidziri ava vaona kuti mapurisa anga ovaita kanyamakanyama, vatemawo mamwe mapurisa nematombo uye mumwe mupurisa adhumwa nemotokari achimhanyisa varatidziri ava. Pane varatidziri vakuvarawo muchiitiko ichi avo vazotakurwa neamburenzi.
Nhengo yeboka revechidiki mu MDC-T uye vanga vari mumwe wevaratidziri ava, Va Lovemore Chinoputsa, vati nhengo dzeparamende dzebato ravo dzinoti Va James Maridadi vanomirira Mabvuku pamwe naVa Eric Murai vanomirira Highfield, vasungwa.
Va Chinoputsa vatiwo pane mutori wenhau, Andrison Manyere, pamwe numutauriri weboka revechidki mu MDCT, Va Clifford Hlatswayo, vasungwawo zvakare muchiitiko ichi. Vashora mapurisa nekushandisa simba rakanyanyisa pamwe nekuvarambidza kuratidzira zvisina mhirizhonga vachiti uku kutyora bumbiro idzva remitemo yenyika.
Vasungwa ava vazobuditswa tisati taenda pamhepo asi hatina kukwanisa kuziva kuti vamwe vanga vasungwa vabuditswa here uye kuti vangani.
Zvichakadai, sachigaro wesangano re Crisis in Zimbabwe Coalition, Va Dewa Mavhinga, vashora zvaitwa nemapurisa vachiti zvinoita kuti munyika musave nehutongi hwejekerere.
Va Mavhinga vakurudzirawo nyika dziri mumubatanidzwa wenyika dziri kuchambe kwe Africa, SADC, kuti dzitsiure Va Mugabe panyaya yemhirizhonga yavati inogona kuzotekeshera mudunhu rese.
Va Mugabe ndivo vave sachigaro wesangano re SADC zvichitevera musangano wesangano iri wakaitirwa ku Victoria Falls svondo rapera.
Dzimwe nhengo dze MDC-T nomwe, kusanganisira nhengo yeparamende, Amai Ronia Bunjira, vari muhusungwa zvichitevera kusungwa kwavakaitwa neChipiri svondo rapera vachipomerwa mhosva yekuvhiringidza kufamba zvakanaka kwevanhu pamwe nedzimotokari muHarare.
Mutongi wedare akanga ati neChishanu vasungwa ava vabhadhare mari yechibatiso inoita mazana matatu emadhora pamunhu, asi hurumende yakashandisa chikamu che 121 chemutemo Criminal Procedure and Evidence Act, uyo unosungira kuti vasungwe ava vagare mutirongo kwemazuva manomwe apo nyaya yehurumende inenge ichinzwikwa mudare.
Hurumende ikatadza kuita izvi, vasungwa ava vanobva vaburitswa.
Zvichakadai, vechidiki ve MDCT vanoti vacharamba vachiratidzira kudzamara hurumende yavapa mabasa.
Hurumende inoti vanhu vasingashande munyika vanosvika zvikamu gumi nechimwe kubva muzana.
Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, kusanganisira sangano revashandi re Zimbabwe Congress of Trade Unions, vanoti vanhu vasingashande munyika vanokwana zvikamu makumi masere kubva muzana.