Accessibility links

Breaking News

Itai Dzamara Anosungirwa Nyaya Yekuti VaMugabe Ngavasiye Basa

Mupepeti webepanhau re The News Leader, Va Itai Dzamara, vasungwa neChishanu mushure mekusvitsa gwaro renyunyuto kumutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, pamusoro pekusamira zvakanaka kwezvinhu munyika.

Va Dzamara pamwe chete nemumwe wavo wavaenda naye kunosvitsa gwaro renyunyuto kuhofisi yemutungamiri wenyika, Va Tichaona Danho, vasungwa mushure mekusvitsa gwaro iri kuhofisi yaVa Mugabe.

Va Dzamara nemumwe wavo vanonzi vashevedzwa kuhofisi yaVa Mugabe vatombobuda vaenda kumapurisa kwavanozivisa mapurisa kuti vachazenge vachiratidzira kubva nemuvhuro pa Africa Unity Sqaure mu Harare kudzamara Va Mugabe vasiya chigaro.

Kuratidzira kwanga kuchida kuitwa naVa Dzamara nevamwe vavo kubva svondo rinouya kuri kudaidzwa kuti Occupy Africa Unity Square uye kuri kushambadzirwa papeji repadandemutande pa Facebook nepamafoni pa Whatsapp.

Pataenda pamhepo, magweta anorwira kodzero dzevanhu esangano re Zimbabwe Lawyers for Human Rights anga ari pakamba ye Harare Central ari mubishi kutsvaga Va Dzamara naVa Danho asi mapurisa anonzi anga achiramba kuti akavachengeta pakamba iyi.

Mutauriri wemapurisa, Amai Charity Charamba, vati vachiri kumboferefeta nyaya yekusungwa kunonzi kwaitwa Va Dzamara naVa Danho.

Gwaro renyunyuto iri, iro riri mumawoko e Studio 7 rinoti Va Mugabe vatadza kutonga nyika zvakanaka sezvo hupfumi hwenyika huchiramba huchienda kumawere. Nokudaro, gwaro rakanyorwa naVa Dzamara iri riri kukurudzira Va Mugabe kuti vabve pachigaro pawumbwe hurumende itsva.

Gwaro iri razivisawo Va Mugabe kuti kuratidzira uku kuchatanga neMuvhuro uye kucharamba kuchienderera mberi kusvika Va Mugabe vasiya chigaro chavo uye vapindura zviri mugwaro iri.

Gwaro iri rakurudzirawo mutungamiri wenyika kuti asashandise vari muchiuto kurova vanhu vachazenge vachiratidzira. Va Dzamara vanyorawo papeji ravo kuti vave kumbosiya zvenhau kusvikira vabudirira muhurongwa hwavo hwekuratidzira kusvika Va Mugabe vabva pachigaro.

Kuratidzira kwakadai kuri kurongwa naVa Dzamara kwakashandiswa ku Egypt neku Tunisia zvakaita kuti vatungamiri venyika idzi vasiye basa.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

This item is part of
XS
SM
MD
LG