Rwaswera rwuri rwekatsi negonzo pakati pedhorobha reHarare mapurisa ekanzuru achimhanyisana nevanhu vanotengesera mumigwagwa avo vari kudzoka kuzoita basa ravo munzvimbo dzavakadzingwa nekanzuru.
Rimwe remasangano anomirira vanotengesera mumigwagwa rinoti hurumende inofanira kuburitsa hutungamiri hwesangano ravo muhusungwa nekukasika.
Vanotengesera mumigwagwa yemuHarare varwisana nemapurisa ekanzuru yeguta iri mushure mekunge vatorerwa zvinhu zvavanga vachitengesa nemapurisa aya
Mutauriri wekanzuru yeHarare, Va Michael Chideme, vanoti vanhu vese vane dzimba dzakavakwa zvisiri pamutemo vakanyorerwa matsamba ekuvazivisa kuti vanofanira kupwanya dzimba dzavakavaka zvisiri pamutemo
Vamwe vevanhu vanotengesera mumigwagwa vanoti vawana mbatya dzavo dzavanga vachirara vakachengetesa pabhiriji riri pedyo nemahofisi ekanzuru vachibhadhara mari dzapiswa nemapurisa ekanzuru.
Mumutongo wavo, mutongi wedare, Va Chinembiri Bhunu, vati Va Bhasikiti vaifanira kushandisa nzira dzose dziri mubumbiro remitemo rebato reZanu PF kana vaine nhuna nekudzingwa kwavakaitwa mubato iri.
Vanhu vanodarika makumi manomwe vasungwa mu Harare neChina pavanga vachiramba kubviswa nekanzuru mumigwagwa mavari kutengesera.
Kanzuru yeHarare yatanga neChiatatu kubvisa vanotengesera mumigwagwa asi paita makatanwa pakati pevanotengesera mumigwagwa ava avo vanga vachida kutorerana nzvimbo dzekutengesera.
Mapurisa ekanzuru amboedza neChipiri kubvisa vanotengesera mumigwagwa zvechisimba asi zvakundikana sezvo vanotengesera mumigwagwa ava varamba vakatsika madziro vachiti havana kwavanoenda.
Va Tsvangirai vakurudzira vamwe vasati vauya kubato ravo kuti vauye vaite mushandirapamwe vakanangana negadziriro dzesarudzo dzemuna 2018.
Vanotengesera mumigwagwa neChipiri vakaratidzira mu Harare nyangwe zvazvo mapurisa ayedza akatadza kuvarambidza kusvitsa gwaro renyunyuto kudare reparamende.
Rimwe remasangano anomirira vanhu vanotengesa zvinhu zvavo mumigwagwa rinoti richatanga kubvisa vanhu vanotengesera mumigwagwa yemuHarare neChipiri.
VaGutu vanoti vatora danho sebato rekuti Va Tsvangirai vaenderere mberi nemusangano zvisinei nemhinduro yemapurisa vachiti mapurisa haana kodzero yekuvarambidza kuita musangano uyu pasi pemutemo we Public Order and Security Act.
Mukuru wesangano rinoongorora mafambisirwo esarudzo re Zimbabwe Election Support Network, Amai Rindai Chipfunde Vava, vanoti pane zvakawanda zvavakawona zvisina kufambiswa zvakanaka musarudzo idzi zivo zvinosanganisira kutyisidzirwa kwevavhoti.
Vanhu vavhota neChitatu musarudzo dzema by-elections mu Harare vazhinji vachiti vaswera vagere zvavo kudzimba dzavo.
Vagari veku Bloomingdale ne Ashdown Park vakaita saAmai Barbara Muchabaiwa vanoti havasi kufara nekugara vasina mvura zvava kuita kuti vaomerwe nehupenyu.
Mwana wemudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, Russell Goreraza, abatwa nemhosva yekuuraya munhu mutsaona yemumugwagwa.
Paita mhirizhonga pakati pevechidiki ve Zanu PF pamwe nevechidiki vebato rinopikisa re Transform Zimbabwe mumusha we Highfiled neChishanu.
Vaimbova gurukota rinoona nezvedunhu reMasvingo, Va Kudakwashe Bhasikiti, vanoti kuti zvinhu zvifambe zvakanaka muAfrica vatungamiri venyika dziri mu Africa havafanire kutungamidza zvido zvavo mberi.
Va Temba Mliswa vashora kunyarara kuri kuita vakadzingwa semutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, nezviri kuitwa kuvanhu vaivatsigira pavaifurufushwa mu Zanu PF.
Rodhai zvimwe