Accessibility links

Breaking News

Mapurisa eKanzuru yeHarare Anopisa Zvinhu Zvinotengeserwa Mumigwagwa

Harare vendors shocked to see their ares burnt by municipal police
Harare vendors shocked to see their ares burnt by municipal police

Mapurisa ekanzuru anonzi afumopisa zvinhu zvevanhu vanotengesera mumigwagwa senzira yekuti vanhu ava varege kutengesera munzvimbo dzisina kutarwa nekanzuru kuti dzitengeserwe izvo zvinonzi zvasiyaa zvaita kuti hupenyu hwevanhu vazhinji huende pakawomarara.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vamwe vevanhu vanotengesera mumigwagwa vanoti vawana mbatya dzavo dzavanga vachirara vakachengetesa pabhiriji riri pedyo nemahofisi ekanzuru vachibhadhara mari dzapiswa nemapurisa ekanzuru.

Kanzuru ye Harare yapinda muzuva rechitatu ichibvisa vanotengesera mumigwagwa ichivaendesa kunzvimbo dzayakatara idzo dzinonzi nevanotengesa ava hadzina kugadzirwa zvakakwana.

Mumwe wevanhu ava, Amai Nyadzisai Chinyani, vanoti hupenyu hwavo hwave parumananzombe zvichitevera kupiswa kwaitwa zvinhu zvavo nemapurisa ekanzuru. Amai Chinyani vati mapurisa ekanzuru amuka runyanhiriri kuti apise mbatya dzavo.

Mumwe wevatengesi ava, Va Tekesure Mataruse, vatsinhirawo zvataurwa na Amai Chinyani vachiti zvaitwa nekanzuru izvi kuvapinza mudziva rinonyudza ravasingazokwanise kubuda mariri.

Mutungamiri werimwe remasangano anomirira vanotengesa mumigwagwa re Zimbabwe Informal Sector Organization, Va Promise Mkwananzi, vati zvaitwa nemapurisa ekanzuru izvi zvavarwadza zvikuru vachiti kanzuru inofanira kubata vanhu zvine mwero.

Asi mutauriri wekanzuru, Va Michael Chideme, varamba kuti mapurisa ekanzuru yavo ndiwo apisa mbatya idzi idzo dzinonzi nevaridzi vadzo dzinokosha zviuru nezviuru zvemadhora.

Zvichakadai, mautauriri wemapurisa, Amai Charity Charamba, vanoti vapisirwa zvinhu ava vamhan’ara nyaya iyi kumapurisa uye mapurisa ari pakati pekuferefeta nyaya iyi.

Amai Charamba vatiwo vamwe vevanotengesa mumigwagwa ava vakasungwa nezuro, vakabhadhariswa mari dzefaindi mushure mekupomerwa mhosva dzekuita hunhu hwaigona kukanganisa runyararo uye vatatu ndivo vachiri muhusungwa vachipomerwa mhosva yekurova mapurisa ekanzuru aibvisa tende riri muna Speke Avenue pavaitengesera vachiramba kubva ipapo.

Zvikadai, mutauriri weMDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai, Va Obert Gutu, vati bato ravo riri kukurudzira kuti vanotengesa mumigwagwa varambe vari mumigwagwa kudzamara hurumende yagadzirisa nyaya yemabasa.

MDC yakamboti vanotengesera mumigwagwa ava vabviswe asi mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, vakati hapana munhu aifanirwa kubviswa mumigwagwa.

Asi hurumende yakazofuma yopandukira vanotengesa mumigwagwa ava ichiti ngavabviswe sezvo vanga vave kuzadza tsvina mudhorobha uye mudhorobha musisafambike zvakanaka.

Va Gutu vati makanzura ebato ravo haasiwo ari kukonzera kuti vanotengesera mumigwagwa vabviswe vachiti hurumende ye Zanu PF ndiyo iri kuita izvi.

Gurukota rinowona nezvematunhu, Va Saviour Kasukuwere, vakakurudzira vashandi vekanzuru yeHarare kuti vabvise mumiogwagwa vanhu vanotengesera mumigwagwa vakavatyisidzira vachiti vakarega kuita izvi vaizorasikirwa nemabasa.

Nyanzvi munyaya dzemitemo dzinoti pasi pemitemo yemaguta, kanzuru yeHarare ndiyo ine masimba pavachandi vose vekanzuru, uye vashandi vekanzuru vanoita basa ravo sezvinenge zvatarwa nezvisungo zvemakanzura.

Nyanzvi idzi dzinoti zviri kuitika muHarare zvinoratidza pachena kuti kurwa kwenzuo dzinosiya huswa nemiti zvaparadzwa.

This item is part of
XS
SM
MD
LG