Vanhu vanodarika makumi manomwe vasungwa mu Harare neChina pavanga vachiramba kubviswa nekanzuru mumigwagwa mavari kutengesera.
Mapurisa ekanzuru anonzi amuka runyanhiriri achipwanya misika yevanhu vanotengesera mumigwagwa yemudhorobha re Harare zvinonzi nevanotenmgesera mumigwagwa ava zvakonzera kuti vasare vasina chekubata.
Mumwe wevanotengesera mumigwagwa ava uye ari mutungamiri werimwe remasangano anomirira vanhu vanotengesera mumigwagwa re Mobile Youth Foundation, Va Peter Jack, vaudza Studio 7 kuti vazosara vosvika pavanotengesera mapurisa ekanzuru asakadza nzvimbo yavanotengesera.
Vanowona nezvekufambiswa kwemabasa mune rimwe sangano revanotengesera mumigwagwa re National Vendors Union, kana kuti Navuzi, Muzvare Lucy Makunde, vati varwadziwo zvakare nekuparadzwa kwaitwa zvinhu zvavanga vachitengesa.
Va Jack vanoti pane vanhu vanotengesera mumigwagwa vanodarika makumi manomwe vasungwa mu Harare mushure mekuramba kubviswa munzvimbo dzavanga vachitengesera.
Zvichakadai, Muzvare Makunde vanoti vachakwidza nyaya yekushungurudzwa kwaitwa vanhu vanotengesera mumigwagwa nekanzuru kumatare edzimhosva.
Mutungamiri werimwe remasangano anomirira vanotengesera mumigwagwa ava re Zimbabwe Informal Sector Organization, Va Promise Mkwananzi, vati zviri kuitwa nekanzuru izvi zvityora kodzero dzevanhu.
Asi mutauriri wekanzuru ye Harare, Va Michael Chideme, vati vatengesi vakapihwa nguva yekuti vabve mumigwagwa, uye mapurisa ari kubvisa zvose zvavanoshandisira vari mumigwagwa.
Hatina kukwanisa kutaura negurukota rinowona nezvematunhu Va Savior Kasukuwere sezvo vaswera vachiti vari mumisangano.