Mapurisa anonzi azivisa bato re MDC-T kuti harikwanise kuita musangano nevatsigiri varo ku Chikomba mudunhu reMashonaland East neMugovera sezvo Zanu PF iine hurongwa hwayo mudunhu iri musi uyu.
Mutauriri weMDC-T, Va Obert Gutu, vanoti vakazivisa mapurisa kuti mutungamiri webato ravo,Va Morgan Tsvangirai, vanoda kuita musangano nevatsigiri vavo, asi mapurisa akati havakwanisi kuita izvi.
Va Gutu vashora mapurisa vachiti ari kushandiswa ne Zanu PF vachirega kuita basa ravo vasina divi ravakarerekera.
Vaenderera mberi vachiti vatora danho sebato rekuti Va Tsvangirai vaenderere mberi nemusangano zvisinei nemhinduro yemapurisa vachiti mapurisa haana kodzero yekuvarambidza kuita musangano uyu pasi pemutemo we Public Order and Security Act.
Mutauriri wemapurisa, Amai Charity Charamba, vati havakwanise kutaura nezvenyaya iyi vachiti havasati vakwanisa kutaura nemukuru wemapurisa mudunhu re Mashonaland East kuti vanzwe kuti nyaya iyi yakamira sei.
Mutauriri wemapurisa mudunhu reMashonaland East, Inspector Clemence Mabweazara, vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.
Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachigarowanzotaura vachitsigira Zanu PF, Va Goodson Nguni, vanoti MDC-T yakashanda kwazvo kuti pave nebumbiro idzva remitemo yenyika saka nokudaro vati Va Tsvangirai nebato ravo vanofanirwa kuwanikwa vachitevedzera mutemo.
Izvi zvatsinhirwawo neimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo uye vari mudzidzisi pa University of Zimbabwe, Muzvinafundo Charity Manyeruke, avo vashora danho ratorwa ne MDC-T iri vachiti uku kuzvidza vanochengetedza mutemo nerunyararo munyika.
Asi pasi pemitemo yenyika, mapurisa haana mvumo yekurambidza mapato kuita misangano yayo, kunze kwekuti mapurisa anogona kuti anenge akawandirwa nebasa musi uyu, kana kuti nzvimbo inenge ichida kushandiswa, inenge ichishandiswawo nemamwe masangano.