Kanzuru ye Harare yaparura chirongwa chekupwanyira vanhu dzimba dzainoti dzakavakwa zvisiri pamutemo muGlen Norah.
Vagari veku Glen Norah mu Harare vanoti varwadziwa zvikuru nekupwanywa kwaitwa dzimba dzavo nevashandi vekanzuru veguta re Harare vachinzi dzimba dzavo dzakavakwa zvisiri pamutemo.
Mumwe wevanhu ava, Amai Tecla Nyamundanda, vanoti imba yavo yanga yavakwa kusvika pamahwindo vawana yapwanywa zvekuti hapana chavachawana pamari yose yavakashandisa vachivaka imba iyoyo uye vati hapana yambiro yavakambenge vapihwa.
Va Mathew Nyanyiwa vanove mumwe wevapwayirwa imba yavo vanoti vaibhandira mari kumushandirapamwe unonzi Five Greater Heights unotungamiririrwa naVa Tafadzwa Machemedze vanove nhengo ye Zanu PF.
Va Nyanyiwa vanoti hapana chavaiziva kuti sitendi yavakatengeserwa haimo mumapepa ekanzuru.
Hatina kukwanisa kutaura naVa Machemedze kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.
Asi mutauriri wekanzuru yeHarare, Va Michael Chideme, vanoti vanhu vese vane dzimba dzakavakwa zvisiri pamutemo vakanyorerwa matsamba ekuvazivisa kuti vanofanira kupwanya dzimba dzavakavaka zvisiri pamutemo.
Va Chideme vati kanzuru icharamba ichienderera mberi nekupwanya zvivakwa zvose zvisiri pamutemo vakakurudzira veruzhinji kuti vatevedzere murawu mukutenga masitendi ekuvakira dzimba.
Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzemitemo dzinoti kanzuru haina masimba ekuputsa zvivakwa kana isina kupihwa mvumo yekuita izvi nematare edzimhosva.
Kupwanywa kwaitwa dzimba dzakavakwa zvisiri pamutemo kwakada kufanana nekwakamboitwa muna 2005 pakaitwa chirongwa che Operation Murambatsvina kunyangwe hazvo kupwanywa kwedzimba kwatangwa nhasi uku kusati kwanyanyotekeshera.