Mwana wemudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, Russell Goreraza, abatwa nemhosva yekuuraya munhu mutsaona yemumugwagwa.
Goreraza, mwana waAmai Grace Mugabe, uyo wavakaita naVa Stanley Goreraza, avo vaimbova Wing Commander kumauto emuchadenga vasati varoorwa nemutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, amiswa pamberi pedare ramejasitiriti mu Harare neChishanu achipomerwa mhosva yekutsika munhu nemotokari akafa.
Muchuchisi wenyaya iyi, Muzvare VenenciaMutake, vaudza dare kuti Goreraza, uyo ane makore makumi matatu nerimwe chete aityira motokari yerudzi rwe BMW ine nhamba dzinoti ACO 0266 muna Samora Machel mu Harare musi wa 23 Kukadzi gore rino paakadhuma munhu akabva afira pakarepo.
Mushakabvu uyu haana kutaurwa zita rake mudare.
Muzvare Mutake vati Goreraza aimhanya zvikuru zvakakonzera kuti atadze kumisa motokari yake paakawona munhu achipinda mumugwagwa.
Musungwa uyu, uyo akarariswa muchitokisi neChina usiku, auya kudare asina gweta ndokubva abvuma mhosva yaanga achipomerwa iyi.
Mushure mekubvuma mhosva iyi, Gorereza abva akumbira ruregerero kudare pamusoro pekukonzeresa rufu rwemunhu uyu watisati taziva nanhasi kuti ndiani.
Zvichakadai, mutongi wedare, Va Vakai Chikwekwe, vatura mutongo wekuti Gorereza abhadhare faindi yemazana masere emadhora kana kuti apike mwedzi miviri mujeri mushure mekumubata nemhosva nekutyaira motokari zvisina tsarukano.
Vatiwo vawona zvakakodzera kuti vamupe mutongo wakareruka nepamusana pekuti munhu asati ambobatwa nemhosva uye munhu ane mwana mudiki waanochengeta mushure mekunge arambana nemudzimai wake.
Mushure memutongo waVa Chikwekwe uyu, Gorereza asimudza ruwoko zvakare mudare ndokukumbira ruregerero zvakare.
Mune imwewo nyaya, chikwata chevemabhizimusi veku America chiri kushanya kwemazuva maviri mu Zimbabwe chinoti hurumende inofanira kuwona kuti mitemo yatevedzerwa kuitira kuti vanoda kusima mari dzavo muZimbabwe vaite izvi vakasunguka.
Chikwata cheku America chevanhu vanomwe che Corporate Council on Africa ichi chiri kutungamirwa naVa Phille de Leon avo vaudza vatori venhau kuti kutevedzera mutemo chinhu chakakosha zvikuru.
Zvataurwa naVa de Leon zvatsinhirwa naVa Tinshe Rwodzi vanove mutungamiri wesangano re American Business Association of Zimbabwe.
Va de Leon vatiwo hurumende inofanira kutarisa zvakare mutemo wekuendeswa kwehupfumi kuvatema vachiti mutemo uyu inokonzera kuti vekunze vane mari vasade kuzosima mari dzavo munyika.
Va Rwodzi vati chikwata cheku America ichi chakasangana nevakuru-vakuru muhurumende vanosanganisira mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Va Emmerson Mnangagwa, vakazeya nyaya dzakafanana neidzodzi.
Va de Leon vati chaikwata chavo ichi chawona mikana yakawanda yekuti chingadyidzane neZimbabwe. Va de Leon vati pane mukana wekuti vemabhizimusi veku America vanogona kuzosima mari mune zvemigoghi, kurima pamwe nekushanyirana asi havana kutara nguva yekuti uzvi zvingaitike rinhi vachiti vachiri kuda kumbonyatsonzwisisa mafambisrwo ezvinhu muZimbabwe.
Va de Leon vatorawo mukana uyu kukoka Zimbabwe kumusangano wekutengesera pakati pemakambani ekuAmerica needzimwe nyika uchaitwa ku Addis Ababa ku Ethiopia muna Mbudzi wegore rino.