Masangano anga achiongorora sarudzo pamwe nevamwe vakakwikwidza musarudzo dze by elections neChitatu vanoti sarudzo idzi hadzina kufambiswa zvakanaka, kunyange hazvo Zimbabwe Electoral Commission iri kuti Zanu PF yakakunda musarudzo idzi.
Vamwe vevakakwikwidza musarudzo idzi vakazvimirira vakaita saVa Albert Mukaratirwa, avo vakakwikwidza ku Headlands, vanoti sarudzo idzi hadzina kufambiswa zvakanaka.
Mukuru wesangano rinoongorora mafambisirwo esarudzo re Zimbabwe Election Support Network, Amai Rindai Chipfunde Vava, vanoti pane zvakawanda zvavakawona zvisina kufambiswa zvakanaka musarudzo idzi zivo zvinosanganisira kutyisidzirwa kwevavhoti.
Amai Vava vanoti sangano ravo riri kushushikana nekuwanda kwakanga kwakaita mapurisa munzvimbo dzaivhoterwa pamwe nekutengwa kwavanoti kwakaitwa vanhu pamberi pesarudzo.
Mukuru wesangano reZimbabwe Peace Project, Muzvare Jestina Mukoko, vatiwo sangano ravo riri kushishikana zvikuru nekuwanda kwanga kwakaita nyaya dzemhirizhonga kune dzimwe nzvimbo zvikurusei ku Hurungwe West uko kwaikwikwidzana Va Temba Mliswa, avo vakakundwa naVa Keith Guzah veZanu PF.
Zvichakadai, MDC-T inoti iri kufara zvikuru kuti vanhu vakawanda havana kubuda kunovhota sekukurudzira kwakaitwa nebato iri, iro rinoti harisi kuzopinda muneipi zvayo sarudzo kana pasina kuvandudzwa mitemo yose inobata mafambisirwo esarudzo.
Munyori mukuru we MDC-T, Va Douglas Mwonzora, varamba kuti bato ravo rakagovera Zanu PF zvigaro zvemuparamende nekusapinda musarudzo idzi.
Va Mwonzora vanoti vari kushanda zvakasimba kuti zvose zvavari kuda kuti zvigadziiriswe zviitwe sarudzo dzemuna 2018 dzisati dzaitwa vachiti haisi Zanu PF chete inofanira kugadzirisa izvi.
Kukunda kwakaita Zanu PF munzvimbo dzose gumi nenhanhatu dzakaitwa sarudzo kwave kureva kuti MDC yave nevanhu vashomanana muparamende.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti sarudzo idzi dzinoratidza kuti kurudziro yekuti vanhu vasapinde musarudzo yakatambirwa sezvo vanhu vashoma vakavhota mumatunhu anga ari pasi peMDC-T