Vanhu vavhota neChitatu musarudzo dzema by-elections mu Harare vazhinji vachiti vaswera vagere zvavo kudzimba dzavo.
Pasvika Studio 7 panga pachivhoterwa pachikoro che Courtney Selous chiri ku Greendale mu Harare East, panga pavhota vanhu vatanhatu nenguva dza 10 mangwanani.
Pa Chemhanza ku Dzivarasekwa kwanga kwavhota vanhu makumi matanhatu nemumwe chete nenguva dza 1 masikati uye mitsetse yanga iri mupfupi zvikuru.
Vanga vachiona nezvkufambiswa kwesarudzo munzvimbo dzakawanda dzanga dzichivhoterwa vaudza Studio 7 kuti pane vanhu vakati wandei vadzorwa mushure mekunge vauya vasina zvitupa uye vamwe vanonzi vanga vaenda kunzvimbo dzisiridzo dzavakanyoresa kuti vagovhotera.
Mumwe wevanhu vavhota ku Dzivarasekwa uyo ati anonzi Muzvare Nancy Mawire vati kuvhota hakuna kumbomutorera nguva yakareba kana zvichienzaniswa nedzimwe sarudzo dzakamboitwa.
Asi ruzhinji rwevanhu vakaita saVa Benedict Shambare vanogara ku Dzivarasekwa vanoti vawona zvakakodzera kuti vasaende kunovhota vachiti zvakafanana nekuwona bhora rakatambwa kare.
Izvi zvatsinhirwa naVa Martin Musinami vanogarawo mu Dzivarasekwa makare.
Va Gibson Chiurai vanogara mu Kambuzuma vatiwo kusamira zvakanaka kwehupfumi kwaita kuti vaswere vachitengesa zvavo kuitira kuti mhuri yavo iwane cheuviri.
Nhengo yeboka revechidiki reMDC-T, Va Clifford Hlatshwayo, vati kusabuda kwaita vanhu vazhinji kunovhota kunoratidza kuti ruzhinji rwakateerera kurudziro yakaitwa nemutungamiri webato ravo, Va Morgan Tsvangirai, avo vakatenderera munzvimbo dzakawanda dzanga dzichiitwa sarudzo vachikurudzira kuti vanhu vasaende kunovhota kudzamara kwavandudzwa mitemo yose inobata mafambisirwo esarudzo munyika.
Ku Headlands, nhengo iri kukwikwidza yakazvimirira ikoko, Va Albert Mukaratirwa, vaudza Studio 7 parunhare kuti vatsigiri vavo vaswera vachityisidzirwa nenhengo dze Zanu PF pavanga vachienda kunovhota.
Hatina kukwanisa kutaura naVa Christopher Chingosho avo vari kukwikwidza vakamirira Zanu PF ku Headlands kwakare sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.
Sarudzo idzi dzaitwa mumatunhu gumi nematanhatu, ayo anosanganisira Hurungwe West, Tsholotsho North, Chikanga Dangamvura nemamwe.
Zvichabuda musarudzo idzi zvakatarisirwa kuziviswa mangwana.