Sangano reHarare Residents Trust rinoti harisi kutambira hurongwa hunonzi huri kuda kuitwa nekanzuru yeHarare, hwekuisa mamita emvura mudzimba kuitira kuti vanhu vahhadhare mvura vasati vaishandisa
Varimi vedonje gore rino vanonzi vachatarisana nedambudziko hombe zvichitevera kubuda muzvibvumirano zvekushanda nevarimi kunonzi kwaitwa nevanga vachitsigira varimi nezvekurimisa
Vamwe vevakarwa hondo yerusunguko pamwe nevatsigiri vebato reZanu PF vangangosvika mazana matatu vanonzi vaungana panzvimbo yemabhizimusi yeChecheche kuChipinge South vachiratidzira vachiramba hutungamiri hwemumiriri wavo mudare reparamende, VaEnock Porusingazi
Vachitaura neChina manheru paterevhizheni vachiparura hurongwa hwavo, VaObama vakati vari kutora danho iri kuitira kune vaya vari munyika vasina mhosva dzavakapara vawanewo mukana wekukudza mhuri dzavo vakasununguka muAmerica.
Vaimbove sachigaro weZanu PF mudunhu reMidlands, VaJason Machaya, vanoti vanogamuchira nemufaro danho rakatorwa nebato ravo rekuti vasiye chigaro chavo mushure mekunge vamwe mudunhu ravo vati havachavimbi navo
Sangano reZimbabwe Peace Project, ZPP, rinoti kudhonzerana kwenhengo mumapato eZanu PF neMDC T kwakaramba kuchikura zvikuru panguva iyo mapato aya aigadzirira nezvemisangano yemakongiresi
Mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, vari kuenderera mberi nekusangana nemapoka ari kuvatsigira kuti vatore chigaro chemunyori weboka remadzimai reWomen’s League
Nekuona kuti mwana asingachemi anofira mumbereko, mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Teurai Ropa Mujuru, neSvondo vakaburitsa gwaro riri kuramba zvavari kupomerwa nevamwe mubato ravo
Chimwe chikwata chevakarwa hondo chinofungidzirwa kuti chiri kudivi riri kutsigira gurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangwagwa, chinonzi chiri kuita musangano weextra ordinary congress neMugovera kuMasvingo
VaKunaka vanonzi vapambwa nevanhu vana vanga vaine motokari yerudzi rweIsuzu KB ine ruvara rwuchena
Mamwe masangano evarimi ari kukurudzira hurumende kuti iyise mari yakawanda kunyaya dzekurima pairi kuita bhajeti rayo regore rinouya
Kuramwa mabasa kwavana chiremba kwapinda musvondo retatu pasina zvati zvabuda kubva munhaurirano dzavanonzi vari kuita nehurumende
Mapurisa anonzi arova zvakaipisisa vanhu vanga vachiratidzira vari muAfrica Unity Square muHarare izvo zvaita kuti vaendeswe kuzvipatara kunorapwa
Zimbabwe iri kutarisirwa neChina kutanga musangano wemazuva maviri wenyika pamwe nemakambani anochera pamwe nekutengesa mangoda.
Nhengo nhatu dzesangano revagari veguta reMasvingo dzamiswa pamberi pedare ramejasitireti muguta iri dzichipomerwa mhosva yekutyora mutemo wePublic Order and Security Act, POSA
Kongiresi yebato reMDC-T inonzi yakapera zvakanaka mukupera kwesvondo, uye vanhu vakawanda vanonzi vanoti yakaitwa murunyararo
Zvinhu zvinonzi zvaita manyama amire nerongo mubato reZanu PF zvichitevera kuratidzira kwaitwa nenhengo dzebao iri muHarare.
Bazi rezvemitero reZimbabwe Revenue Authority, Zimra, rinoti rakatadza kuwana mari yaraitarisira pakapera chikamu chetatu chegore muna Gunyana wegore rino
Sangano rinomirira vanotengesa mumigwagwa reNational Vendors’ Union Zimbabwe rinoti rinonzwa kuremekedzwa kukuru nekukokwa kwarakaitwa kuti ripinde mumisangano iri kuitirwa muBulawayo.
Makakatanwa abuda pakati pebato eMDC T nechikwata cheMDC Renewal Team zvichitevera tsamba inonzi yakanyorwa nehurumende ichida kunzwa kuti kana yoburitsa mari yemapato ezvematongerwo enyika ichagovanwa sei zvichitevera kupatsanuka kwebato iri gore rino.
Rodhai zvimwe