Accessibility links

Breaking News

Amai Grace Mugabe Vanoenderera Mberi Vachinyomba Amai Mujuru


Amai Grace Mugabe
Amai Grace Mugabe

Mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, vari kuenderera mberi nekusangana nemapoka ari kuvatsigira kuti vatore chigaro chemunyori weboka remadzimai reWomen’s League.

NeChipiri Amai Mugabe vasangana nenhengo dzesangano rinomirira vanorarama nekutengesa zvinhu kunze kwenyika, reCross Border Association pamwe nevemabhizimusi epasi neepakati kupurazi ravo rekuMazowe.

Vanhu ava vanonzi vanga vachipa rutsigiro rwavo mukudomwa kwakaitwa Amai Mugabe.

Amai Mugabe vanonzi vadzokorora zvakare mashoko avo ekunyomba pamwe nekukurudzira kuti mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, vasiye basa vachivapomera mhosva yekuda kubvisa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pachigaro zvechisimba.

Mumashoko anofungidzirwa kuti akanangana naAmai Mujuru, Amai Mugabe vati munhu anofanirwa kudzidza kudya chedikita rake.

Vatiwo njere chinhu chakakosha zvikuru zvisineyi nekuti munhu akadzidza zvakadii.

Vati vamwe vanoti vakadzidza asi vasina njere, uye vachiswera vari kudzin’anga vachida kuti vabatsirwe kutora hutungamiri.

Mutungamiri wesangano revanotengesa ava, VaKiller Zivhu, vatiwo pamusangano uyu vanotsigira zvakasimba mhuri yemutungamiri wenyika, vakati mhuri iyi inofanirwa kusununguka zvayo sezvo pasina zvinoitika kwairi kunyange paine vamwe vari kuda kuti ibve pachigaro.

Hatina kukwanisa kubata VaZivhu panyaya iyi.

Asi nyanzvi munezvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira, VaCharles Mangongera, vanoti maonero avo ndeekuti zviri kuitwa naAmai Mugabe zvinoratidza kuti vatove kugadzirira ramangwana ravo nemhuri yavo kana VaMugabe vasiya chigaro.

Hurukuro naVaCharles Mangongera
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG