Sangano rinomirira vanotengesa mumigwagwa reNational Vendors’ Union Zimbabwe rinoti rinonzwa kuremekedzwa kukuru nekukokwa kwarakaitwa kuti ripinde mumisangano iri kuitirwa muBulawayo iri kunzi Ideas Festival.
Misangano iyi iri kukokerwa nesangano reBulawayo Agenda, richishanda nemamwe masangano anosanganisira Bulawayo Progressive Residents Assocition, National Association of Non-Governmental Organisation neWomen Institute for Leadership Development.
Mukuru wesangano revanotengesa iri, VaSamuel Wadzayi, vanoti aka ndekekutanga kuti sangano ravo riwane mukana wakadai, uyo uchaita kuti rikwanise kuzivisawo nyika nezvematambudziko ari kusangana nevanorarama nekutengesa zvinhu.
Misangano yemazuva mashanu iyi yatanga neChipiri uye iri kupindwa nemasangano akazvimirira anodarika makumi mashanu.
Sangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Lawyers for Human Rights ririkowo richipa veruzhinji rubatsiro munyaya dzezvemitemo pachena.
Vanotengesa zvinhu vagara vachichemachema kuti vari kushungurudzwa nemapurisa emakanzuru pamwe neeZimbabwe Republic Police.