Accessibility links

Breaking News

Harare Residents Trust Inoramba Hurongwa hweMamita eKutenga Mvura

Vagari vazhinji vanoti mvura haisi kusvika mumatunhu avo
Vagari vazhinji vanoti mvura haisi kusvika mumatunhu avo

Rimwe sangano revagari vemuguta reHarare, reHarare Residents Trust, rinoti harisi kuzotambira hurongwa hunonzi huri kuda kuitwa nekanzuru yeHarare, hwekuisa mamita emvura mudzimba kuitira kuti vanhu vabhadhare mvura vasati vaishandisa.

Mamita aya anoita kuti vagari vashandise mvura yavanenge vabhadharira chete mari ikapera votadza kuwana mvura sezvo inenge yavharwa.

Mukuru wesangano iri, VaPrecious Shumba, vanoti danho rinonzi riri kuda kutorwa nekanzuru iri richaita kuti mvura iwanikwe nevane mari chete, chinova chinhu chinotyora bumbiro remitemo.

Bumbiro remitemo yenyika rinoti mvura ikodzero yemunhu wese zvichireva kuti kuve nemari kana kusava nayo munhu ane kodzero yekuwana mvura yakachena.

Meya weguta reHarare, VaBernard Manyenyeni, vanoti chirongwa chekuisa mamita aya mudzimba hachichadzokeri shure uye hapachina imwe nzira yekuchinzvenga nacho.

VaManyenyeni vanoti chasara pari zvino kutsvaga nzira dzekuti danho iri risaomesere vanoshupika nevane matambudziko.

Meya vanotiwo mvura imwe yenzira dzekupinza nayo mari muhomwe yekanzuru. Vanotiwo vagari vanofanirwa kubuda pachena kuti vari kuramba mamita emvura here kana kuti vari kuramba kubhadhara mvura yavanoshandisa.

Asi VaShumba vanoti kanzuru yaifanirwa kutanga yaedza chirongwa ichi munzvimbo duku isati yaita kuti chiitwe muguta rose.

Vanotiwo kanzuru haisati yagara pasi nevagari kuti vapewo pfungwa dzavo, uye kunzwa kubva kukanzuru kana yakaita ongororo inotambirwa nevagari.

Asi vamwe vagari, zvikuru vave nemakore vasiri kuwana mvura nguva dzose, vanoti zvimwe danho iri ringaita kuti vakwanisewo kuwana mvura mudzimba dzavo, kana kanzuru ikazokwanisa kutengesera mvura vanenge vachikwanisa kuitenga.

This item is part of
XS
SM
MD
LG