Mumwe mutongi wedare ramejasitireti kuMasvingo aramba kutonga nhengo nhatu dzesangano revagari veguta reMasvingo dziri kupomerwa mhosva yekutyora mutemo wePublic Order and Security Act, POSA.
Mutongi wedare iri, VaEdward Ndokera, vanonzi vatura mutongo wekuti sachigaro wesangano weMasvingo Residents Trust, VaProsper Tiringindi, VaTamutswa Chikonyora pamwe naVaHerenimo Giya, vazodaidzwa zvakare kudare nenzira yemasamanisi mushure mekunge hurumende yanzi yakundikana zvakare kuendesa zvapupu kudare.
Vatatu ava vakasungwa musi wa 29 Kubvumbi mushure mekuratidzira kwevagari vachiramba kubhadhara mari dziri kubhadhariswa nekanzuru kuvanhu vanenge vachida kutengesa mumusika weChitima uri muguta iri.
Vatatu ava vanonzi vanga vachingoenda kudare asi nyaya yavo ichiendeswa mberi kusvika mutongi azoti nyaya iyi ienderere mberi nemasamanisi.
VaTiringindi vanoti kunyange hazvo mutongo uyu wambovanyevenutsa, hauna kunyanyovafadza sezvo vachiri kutarisirwa kuenda kudare.
Vanoti hurumende inofanirwa kukasika kuvandudza mitemo yenyika kuitira kuti ifambirane nebumbiro idzva, danho ravanoti ringadai risingaiti kuti vanetswe nemapurisa.