Accessibility links

Breaking News

Varimi veDonje neVabatsiri Vavo Vogura Muchato

Ndima yedonje inotarisirwa kudzikira gore rino
Ndima yedonje inotarisirwa kudzikira gore rino

Varimi vedonje gore rino vanonzi vachatarisana nedambudziko hombe zvichitevera kubuda muzvibvumirano zvekushanda nevarimi kunonzi kwaitwa nevanga vachitsigira varimi nezvekurimisa.

Makambani anga achitsigira varimi anonzi ari kunyunyuta nekusawana chimuko kubva muhurongwa hwekubatsira varimi uhu achipomera varimi ava mhosva yekutengesa donje neparutivi, vasingatevedzere zvibvumirano zvekuti makambani aya atenge iwo donje.

Hurongwa hwanga huripo hunonzi hwaiita kuti varimi vawaniswe zvinodiwa pakurima zvakaita semishonga, mbeu nefotereza, ivo voisawo simba ravo pakurima, kusakura pamwe nekukohwa donje ravo vozotarisirwa kuri tengesera kambani inenge yavabatsira.

Asi zvinonzi varimi vaizonotengesa nerweseri donje ravo kune vamwe vanotenga vanenge vaine mitengo inenge iri pamusoro peinenge ichipiwa nemakambani anenge avabatsira.

Asi mutungamiri werimwe sangano revarimi, reZimbabwe Commercial Farmers Union, ZCFU, VaWonder Chabikwa, vanoti havawirirane nemashoko ekuti kutengeswa kwedonje parutivi nevarimi ndiko kwakonzera kuti vemakambani vabude muzvibvumirano izvi.

VaChabikwa vanoti vemakambani anotenga donje ava vanogona kunge vakanga vaunganidza zvavo donje rakawanda nechekare zvekuti havachina shungu dzekutenga zvakare rimwe donje.

Mitengo yedonje wemwaka wapera unonzi wakanga wakadzikawo pasi zvakanyanya, izvo zvinonzi zvakasvibisawo mwoyo yevamwe varimi mumwaka uno.

Imwe yemakambani aitenga donje pamwe nekubatsira varimi, yeCargill, inonzi yakatovhara bhizimusi rayo munyika ichiti kuoma kwezvinhu kwakanga kwoita kuti isakwanise kurarama.

Hurukuro naVaWonder Chabikwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

This item is part of
XS
SM
MD
LG