Accessibility links

Breaking News

ZPP: Ruvengo Rwosimudza Mhirizhonga Zvakanyanya muZanu PF

Mukuru weZPP Muzvare Jestina Mukoko
Mukuru weZPP Muzvare Jestina Mukoko

Sangano reZimbabwe Peace Project, ZPP, rinoti mashoko eruvengo nekudhonzerana muZanu PF kwakanyanya mumwedzi waGumiguru panguva iyo bato iri riri kugadzirira kongiresi yaro muna Zvita.

Gwaro raburitswa nesangano iri rinoratidza kuti mhirizhonga pakati penhengo dzeZanu PF pamwe nemashoko arinoti eruvengo ari kutaurwa nemudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, mumisangano yavari kuita, zvakakwira mumwedzi waGumiguru.

Mashoko aya aAmai Mugabe anonzi akanangana nemutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru.

Sangano iri rinotiwo mumwedzi waGunyana kudhonzerana kwakanyanya kwakabudawo MDC T apo yaigadzirirawo kongiresi yayo yakaitwa mukupera kwaGumiguru.

Zanu PF iri kutarisirwa kuita kongiresi yayo kutanga kwaZvita. Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti kupesana nemhirizhonga muZanu PF zvinhu zvinofanirwa kutarisirwa sezvo mutungamiri webato iri, VaRobert Mugabe, vasiri kubuda pachena kuti vapedze kupumhana huroyi kuri kuitika mubato ravo.

Sangano reZPP rinotiwo chikafu chiri kushandiswawo sechombo chekushungurudza nhengo dzemamwe mapato, zvikuru mumatunhu eMidlands, Mashonaland East neMashonaland Central.

Mukuru wesangano reZPP, Muzvare Jestina Mukoko, vanoti zvikonzero zvikuru zvavakawana muongororo yavakaita ndezvekuti vanhu ava vari kukonzera kushungurudzana mumapato ineyaya yekuda zvigaro zvepamusoro mubato.

Hurukuro naMuzvare Jestina Mukoko
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

This item is part of
XS
SM
MD
LG