Hurumende yazokwanisa kupedza kupa vashandi vayo vose mari dzemabhonasi zvichitevera kutambira kwaitwa mari nevashandi vehurumende vose vanga vasara.
Mutungamiri wenyika uye vari mutungamiri webato reZanu PF, VaRobert Mugabe, vadzoka munyika kubva kunyika dzekumabvazuva uko vanga vari kuzororo ravo repagore
Sangano reNational Aids Council rinoti hurongwa hwaro hwekuti matunhu madiki kana kuti madhisitirikiti azvirongere oga mashandisirwo emari inobva muhomwe ye aids fund hwave padanho repamusoro soro
Varimi vakagariswa patsva vanga vachifunga kuti vachakwanisa kushandisa minda yavo sechibatiso kuti vakwanise kuwana zvikwereti kumabhanga vanenge vachamirira kwenguva ndefu sezvo vemabhanga vachinzi vari kuti pachine zvakawanda zvinoda kugadziriswa vasati vatambira zvibvumirano zvine varimi zvekuti vashandise ivhu kana kuti ma 99-year leases
Bato reMDC T rinotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti munguva pfupi inotevera riri kuparura zvirongwa zvekuti nhengo dzaro dzirapwe zvine mutengo wakaderera pamwe nekuti dzinenge dzashaya dzivigwe zvine chiremera kuburikidza nekuvepo kwezvirongwa zvekuvigana
Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vanoti nyaya hombe dzichazeyiwa dzinosanganisira kushaikwa kwemabasa, kuvharwa kwemakambani pamwe negwara richateverwa nebato ravo kana kuti roadmap gore rino
Gore rino rinonzi harina kutanga zvakanaka mumakambani akawanda munyika sezvo mamwe akakundikana kuvhura kana kuti akaderedza huwandu hwevashandi kubva pakatanga gore rino ra2015
Vanamukoti navanachiremba vanga vasati vawana mari dzavo dzemabhonasi vanonzi vatanga kuwana mari idzi mumabhanga avo
Zvikoro zvavhurwa paine kunyunyuta munzvimbo dzakawanda sezvo vana vanga vachinzi vari kudzorwa kana vasina kunge vakabhadharirwa mari dzechikoro
Nekuona kutambudzika kunogaroita vana veZimbabwe vanenge vawirwa nedambudziko remhirizhonga uye kukanganiswa nayo, zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvakafunga kuumba homwe inobatsira vanhu ava
Mutungamiri weTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume vanoti ivo nenhengo dzebato ravo vakatotanga nekugadzira imwe nzvimbo inonzi yakashata zvikuru mumugwagwa weChitungiza/Harare uye vari kuronga kupinda muguta reHarare svondo rinouya
Kusamira zvakanaka kwenyaya dzeupfumi munyika kunonzi nevakawanda ndicho chirwere chichatemesa musoro hurumende pamwechete neveruzhinji mugore rino sezvo pachinzi pari kushaiwa mushonga ungachipedza
Vagari vekuChinyamukwakwa kuChisumbanje mudunhu reManicaland vatanhatu vanonzi vakarohwa zvakaipisisa nemapurisa nezmusi weChipiri mushure mekusungwa pahondo yemiganhu inonzi iripo pakati pevagari ava nekambani yemafuta edzimotokari yeGreen Fuel.
Sachigaro weZimbabwe Nurses Assocation Harare Chapter VaEnock Dongo vanoti vanamukoti vatora danho iri nekuti hurumende haisi kuchengetedza zvivimbiso zvainenge yavapa
Vamwe vashandi vehurumende vanga vasati vawana mari dzawo dzebhonasi vanoti vatanga kuwana mari dzavo kumabhanga avo manheru ano sezvakavimbiswa nehurumende
Vakuru vechechi iyi vakabuda nechisungo chekuti vanhu vari kugara pachechi iyi nepamusana pekushaya pekugara, vange vabva pachechi iyi panopera gore ra 2014.
Makambani enharembozha anonzi abvuma kutevera kurudziro yakaitwa muna Gumiguru wegore rapera neboka rinoongorora mafambisirwo emashoko munyika rePostal and Telecommunications Regulatory Authority of Zimbabwe, POTRAZ, yekuti mitengo yekushandisa nharembozha ideredzwe
PTUZ inoti haisi kufara nekwainoti kukundikana kwehurumende kuzadzisa chivimbiso chayo chekuti ichabhadhara vamwe vevashandi vayo vasati vawana mari dzavo dzebhonasi mwedzi uno
Zvinonzi pakave nekukandirana makobvu nematete pakati penhengo dzebato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai nenhengo dzeMDC Renewal Team neMugovera mudunhu reBuhera West mushure mekunge veMDC T vapomera veMDC Renewal Team mhosva yekunyomba mutungamiri wavo VaTsvangirai.
Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vanoti hurumende haina mari zvinova zviri kupa kuti ipe vashandi mabhonasi munguva dzakasiyana siyana.
Rodhai zvimwe