Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kugara pachechi yeCentral Methodist muJohannesburg, kuSouth Africa, zvinoti hapana zvakati tsvikiti zvati zvarongeka panyaya yekuti zvoendepi, kunyange hazvo kuine vakawanda vave kuratidza kuda kubatsira.
Vakuru vechechi iyi vakabuda nechisungo chekuti vanhu vari kugara pachechi iyi nepamusana pekushaya pekugara, vange vabva pachechi iyi panopera gore ra 2014.
Mumwe wevanhu vachiri pachechi iyi, VaNoel Muguti, vanoti mashoko avari kuwana anoratidza kuti kune vamwe vazvipira kuvabatsira vari kumatunhu akaita seFree State, Welkom pamwe neSoweto.
Vange vari mukuru wechechi iyi vava kunoshandira kune imwe nzvimbo, Bishop Paul Veryn, avo vakasiya basa mukupera kwa 2014, vanonzi vaswera Chishanu vari mumisangano nevamwe vevari kuda kubatsira ava.
VaVeryn vanonzi vaendawo kunoona imwe nzvimbo iri kuSoweto, asi takundikana kuvabata kuti tinzwe kana paine chine chimuko chabuda
Nhepfenyuro ye Al-Jazeera inotiwo rimwe sangano rakazvimirira re Sector 27, richitsigirwa nemamwe masangano, riri kukurudzira hurumende yeSouth Africa kuti ibatsire vanhu vanodarika mazana mana ava.
Pane mashoko anotiwo mumwe anorwira kodzero dzevanhu, VaWalter Sefiri, vari kuronga kukwidza nyaya iyi kumatare kuitira kuti amise kubviswa kwevanhu pachechi iyi.
Studio7 haina kukwanisa kubata VaSefiri kuti tinzwe pava nehurongwa hwavo.
Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zvakanopotera pachechi iyi panguva yemhirizhonga yekurwisana kwemarudzi yakaitika muSouth Africa.
Vamwe vanonzi vakanopoterawo pachechi apa vachitiza mhirizhonga yezvematongerwo enyika muZimbabwe.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa pamire muzinda weZimbabwe muSouth Africa sezvo vanhu vari kudzingwa ava vari vekuZimbabwe.