Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vashandi veHurumende Vanowana Mabhonasi Avo

Vashandi vehurumende vachiratidzira
Vashandi vehurumende vachiratidzira

Vamwe vashandi vehurumende vanga vasati vawana mari dzawo dzebhonasi vanosanganisira varairidzi vanoti vatanga kuwana mari dzavo kumabhanga avo manheru ano sezvakavimbiswa nehurumende.

Vashandi ava vanoti vanga vave kutyira kuti hurumende ichatadza zvakare kuzadzisa chivimbiso chayo chekuti ichavabhadhara bhonasi kubva musi wa5 mwedzi uno sezvo vanga vasati vawana mari idzi mumabhanga avo pataenda pamhepo.

Munyori mukuru wesangano revarairidzi reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, PTUZ, VaRaymond Majongwe vanoti sangano ravo razonzwa kubva kunhengo dzavo dzakawanda kuti mari iyi yapinda mumabhanga avo uye vakwanisa kuitora.

Svondo rapera vakafanobata chigaro chemunyori muboka rePublic Service Commission, VaCharles Matorera vakavimbisa vashandi vasati vawana mari dzebhonasi kuti vaizotanga kuwana mari idzi, kunyange hazvo hurumende iri kunetseka kuwana mari.

Vimbiso imwecheteyo yakanga yapiwawo zvakare negurukota rezvevashandi nemabasa Amai Priscah Mupfumira.

Mukuru werimwe sangano revarairidzi, reZimbabwe Teachers Association, VaSifiso Ndlovu vatendawo kuti nhengo dzavo dzazowana mari yebhonasi iyi, asi vanotiwo sangano ravo richaenderera mberi nemusangano wenational executive uchaitwa nemusi weChipiri.

Hurumende yakakundikana kubhadhara vashandi vayo vose mari dzekutendwa idzi munaMbudzi izvo zvakazoita kuti itange kubhadhara mauto nemapurisa, ichiti vamwe vose vaizobhadharwa mukupera kwaZvita.

Asi muna Zvita yakazozivisa zvakare kuti yakange yave kuzovabhadhara muzvikamu zviviri, chimwe chikamu mukupera kwaZvita kuchitiwo chimwe chikamu mukupera kwaNdira wegore rino, asi yakazokundikana kuvabhadhara munaZvita izvo zvaita kuti ivabhadhare neMuvhuro.

This item is part of
XS
SM
MD
LG