Mutungamiri wenyika, uye vari mutungamiri webato reZanu PF, VaRobert Mugabe, vadzoka munyika kubva kunyika dzekumabvazuva uko vanga vari kuzororo ravo repagore.
VaMugabe vatambirwa kunhandare yendege muHarare nemhomho yevatsigiri vavo yanga iine zvinyorwa zvinonyomba vaive munyori anoona nezvemabasa mubato iri, VaDidymus Mutasa.
Zvimwe zvezvinyorwa izvi zvanga zvakanyorwa kuti “Mutasa akapiwa katsvimbo nen’nga yake kekuti akubvisei pachigaro, pasi nako katsvimbo ikako.”
VaMugabe vataura kumhomho iyi pavasvika panhandare yendege yeHarare International Airport vachishoropodza mashoko aVaMutasa ekuti vari kurambira mubato vachiti ndivo vachiri munyori anoona nezvemabasa.
Sachigaro wevechidiki veZanu PF mudunhu reHarare, VaGodwin Gomwe, vanoti vatora danho rekuratidzira iri kuti vazivise mutungamiri webato ravo mamiriro akaita zvinhu mubato uye zvakasara zvichiitika panguva yavanga vari kuzororo.
Vamwe vakuru vakuru vanonzi vaenda kunotambira VaMugabe vanosanganisira vatevedzeri vavo vaviri, VaEmmerson Mnangagwa, VaPhelekezela Mphoko pamwe nemakurukota nenhengo dzeparamende dzebato reZanu PF.
VaMugabe vanga vari pazororo kwenguva inodarika masvondo mana kubva pakati paZvita wegore rapera.
VaMutasa vakaburana nevamwe mubato ravo mushure mekunge vati havasi kutambira kuitwa kwekongiresi yeZanu PF mwedzi wapera.
Dunhu reManicaland, kunove kunobva VaMutasa, rakatogara pasi richironga kuti rivadzinge mubato.