Accessibility links

Breaking News

MDC T Yoronga Zvirongwa Zvinobatsira Nhengo Dzayo


VaMorgan Tsvangirai
VaMorgan Tsvangirai

Bato reMDC T rinotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti munguva pfupi inotevera riri kuparura zvirongwa zvekuti nhengo dzaro dzirapwe zvine mutengo wakaderera pamwe nekuti dzinenge dzashaya dzivigwe zvine chiremera kuburikidza nekuvepo kwezvirongwa zvekuvigana, kana kuti burial society ne medical insurance scheme.

Mutauriri webato iri, VaObert Gutu, vanoti izvi zvimwe zvezvinhu zvakaparurwa pamusangano wakaitwa naVaTsvangirai nehutungamiri hwedunhu reHarare mukupera kwesvondo.

VaGutu vanoti bato ravo rakazivisawo kuti riri kuronga kuparura kadhi renhengo dzaro rinoshanda nemichina yamazuvano, kana kuti electronic membership card.

Panyaya yesangano rekuvigana, VaGutu vanoti nhengo dzavo dzinenge dzichitarisirwa kubvisa mari iri pasi pasi kwazvo iri pakati pemasendi makumi mashanu nedhora rimwe chete pamunhu.

Vanoti bumbiro remitemo ichasunga chirongwa ichi ratovepo uye vanotarisira kuti chichatanga kushanda mwedzi unouya waKukadzi.

Panyaya yekurapwa kwenhengo dzebato ravo, VaGutu vanoti vari kushanda nemamwe makambani ane hunyanzvi ayo vasati vave kukwanisa kudoma, uyewo kuti hurongwa uhwu huchasvitswa kunational executive yebato mukati memazuva mashoma anotevera.

Hurukuro naVaObert Gutu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG