Zvikoro zvavhurwa paine kunyunyuta munzvimbo dzakawanda sezvo vana vanga vachinzi vari kudzorwa kana vasina kunge vakabhadharirwa mari dzechikoro.
Zvinonzi vana vanga vachidzorwa zvisineyi kuti hurumende yakati hapana mwana anodzorerwa mari idzi.
Mashoko atatambira anoti zvimwe zvikoro zvakwidzawo mari dzechikoro izvo zvinonzi zviri kuomera vabereki.
Chikoro cheMatshabezi chiri muguta reBulawayo chinonzi chakwidza mari idzi kubva pamazana mana nemakumi manomwe emadhora kusvika pamazana mashanu nemakumi matatu emadhora.
Studio7 haina kukwaniswa kunzwa divi revakuru vechikoro ichi kanawo kubva kubazi rezvedzidzo.
Taedzawo kubata gurukota rezvedzidzo netsika, VaLazarus Dokora, asi nharembozha yavo yanga isingadairwi.
Zvichakadaro, sangano rinomirira varairidzi vekumaruwa, reRural Teachers Union of Zimbabwe, rinoti nhengo dzaro dzakawanda dzatadza kunge dziri kunzvimbo dzadzinoshandira mumatunhu akasiyanasiyana enyika nekuda kwekuipa kwemigwagwa pamwe nemvura yakanaya zvakanyanyisa.
Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano iri, VaBrighton Makunike, vanoti nzvimbo dzakanyanya kukanganiswa migwagwa nekuda kwemvura dziri matunhu eMashonaland West, Mashonaland Central neManicaland.
VaMakunike vanoti rimwe dambudziko riri kusangana nenhengo dzavo ndere pekugara pakanaka, zvikuru muzvikoro zviri mumatunhu aive mapurazi makuru akagariswa vanhu patsva.
Vanotiwo dzimba dzakavakwa zhinji dziri kugarwa nevarairidzi dzacho dzave kuputswa nemvura yakawandisa yakanaya mazuva mashoma apfuura.