Accessibility links

Breaking News

PTUZ Inoti Hurumende Yakundikana Kuvabhadhara Bhonasi


VaRaymond Majongwe
VaRaymond Majongwe

Rimwe sangano rinomirira vashandi vehurumende, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti harisi kufara nekwarinoti kukundikana kwehurumende kuzadzisa chivimbiso chayo chekuti ichabhadhara vamwe vevashandi vayo vasati vawana mari dzavo dzekutendwa kana kuti bhonasi mwedzi uno usati wapera.

Zvita apera neChitatu.

Munyori mukuru wePTUZ, VaRaymond Majongwe, vanoti sekuvimbiswa kwavakanga vaitwa negurukota rezvevashandi idzva, Amai Priscah Mupfumira, kuti vachawana mari dzavo kupera kwemwedzi uno, hapana mushandi akwanisa kuwana mari idzi kubva kumabhanga avo.

VaMajongwe vanoti chaitwa nehurumende kuvabata kumeso sezvo vashandi vashoma shoma vari kunzi vawana mari idzi dzakaiswa mumabhanga mavo asi vakundikana kudzitora zvichinzi nevemabhanga pane zvinoda kutanga zvagadziriswa zvakakanganiswa.

Amai Mupfumira vakanga vavimbisa kuti hurumende ichabhadhara vashandi vasara ava muzvikamu zviviri, chimwe chichiwana mari mwedzi uno chimwe chichizowana mwedzi unoya.

Studio7 yakundikana kubata Amai Mupfumira kuti tinzwe mamiriro akaita zvinhu.

Sachigaro weApex Council, VaRichard Gundani, vanoti vanoda kutanga vawana mukana wekutaura nevehurumende vasati vapa pfungwa dzavo.

Hurukuro naVaRaymond Majongwe
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG