Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Vochemera Bhonasi Yavo

Rimwe sangano revarairidzi rinoti riri kunyunyutawo nekusabatwa zvakanaka kwevashandi vehurumende nehurumende, zvikuru varairidzi avo vasati vapihwa mari dzavo dzemabhonasi.

Hurukuro naVaLunga
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Kunyunyuta kwesangano reProfessional Educators Union of Zimbabwe, PUEZ, kunotevera kusapiwa mari dzebhonasi kwavaitwa vashandi vehurumende vakawanda gore rino, hurumende ichikwanisa kubhadhara vamwe vashandi vakaita semauto nemapurisa, avo vakapiwa mabhonasi avo mwedzi wapera.

Vashandi vehurumende vagara vachipihwa mari dzemabhonasi muMbudzi, asi vamwe Havana kupihwa rwendo rwuno.

Mutauriri wePUEZ, VaChris Lunga, vanoti vanotsamwiswa zvikuru nenyaya yekuti hurumende haina zvairi kuita kuti ifambise mashoko aya nenzira kwayo, kunze kwekuzviona mumapepanhau.

Hurumende yakazivisa kuti nekuda kwekushaiwa mari yaizopa vashandi vayo mari dzemabhonasi muzvikamu zvikamu.

Svondo rino, rimwe sangano revashandi vehurumende, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, rakaratidzawo kutsutsumwa kwaro nekusapiwa kwevarairidzi mabhonasi, izvo zvakaita kuti rizivise kuti nhengo dzaro dzicharamwa mabasa kutanga kwekotoro inouya kana nyaya iyi isina kugadziriswa.

Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vanoti hurumende haina mari zvinova zviri kupa kuti ipe vashandi mabhonasi munguva dzakasiyana siyana.

This item is part of
XS
SM
MD
LG