Zvirwere zvepabonde mune vechidiki zvinonzi zviri kuramba zvichitekeshera munyika zvingangoita kuti HIV/AIDS iwande mune vechidiki.
Hurumende yeSouth Africa yawedzera nguva yekuti zvizvarwa zveZimbabwe zvakawana mapepa zviri munyika iyi zvitore mapepa ekushanda munyika pasi pechirongwa cheZimbabwe Special Permit.
Zvirwere zvepfungwa zvinonzi zvirikuramba zvichitekeshera munyika zvichitevera kuwondomoka kurikuramba kuchiita hupfumi hwenyika.
Rimwe remasangano anomirira kodzero dzevanasikana reInstitute For Young Women’s Development rinoti ratotanga zvirongwa zvekucherechedza zuva r vanasikana iro richapembererwa pasi rose nemusi weSvondo.
Makanzura emuHarare adoma VaChris Mbanga kuti vave mutevedzeri wameya weguta reHarare.
Sangano re Macroeconomic Financial Management Institute of Eastern and Southern Africa rinoti pane zvizhinji zvichadzidzwa ne Zimbabwe panyaya yekuyedza kusimudzira hupfumi hwenyika pamusangano wepagore wezuva rimwe chete urikuitwa mu guta re Lima muPeru waitwa nhasi.
Munyori mukuru wesangano reZimbabwe Chamber Of The Informal Economy Associations VaWisdom Malaya vanoti vari kufadzwa neruzivo rwavari kuwana sezvo rwuchabatsira basa ravari kuita munyika.
Nhengo dzedare reparamende kubva kumapato ose eMDC ari maviri neZanu PF nemusi weChina dzakaramba kutambira kurudziro yemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe yekuti pave nekamutemo kanovabvumidza kushandisa masimba avo kuti hurumende itore chikwereti chePremier Services Medical Aid Society, PSMAS
VaCuthbert Dube vanoti vacharamba vari panyanga kusvika pachaitwa sarudzo dzekutsvaga mutungamiri mutsva wesangano renhabvu iri munaZvita
Kunyangwe hazvo mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vachishora zvechingochani, mutungamiri wesangano reGays And Lesbians Of Zimbabwe (GALZ) VaChesterfield Samba vanoti vacharamba vachirwira kodzero dzenhengo dzavo.
Panguva apo mutungamiri wenyika President Robert Mugabe vakashora zvechingochani kumusangano we United Nations General Assembly nezuro mumutungamiri wesangano re Gays And Lesbians Of Zimbabwe (GALZ) va Chesterfield Samba vakapihwa ruremekedzo rwe Celebration Of Courage Award.
Sangano reZimbabwe Exiles Forum riri kukurudzira zvizvara zveZimbabwe zviri muSouth Africa zvisati zvawana mapermit azvo kusvika pari zvino kuti zviende kumahofisi e Visa & Permit Facilitation Centre (VFS) emunharaunda dzavo ne chimbi-chimbi.
Zvizvarwa zveZimbabwe zvakapinda musangano uyu zvinosvika makumi matatu uye varikutarisirwa kudzokera kumusha kupera kwevhiki rino. Vose vanoti vakava nenguva yakanaka.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri kuCanada Curtis Smith uyo anozivikanwa padandemutande re Facebook saKedha anoti arikushandisa peji rake kubatanidza vanhu vari munyika nekunze zuva nezuva.
Bato rePeople’s Democratic Party iro raimbozivikanwa seMDC Renewal Team rinoti mutungamiri waro VaTendai Biti vachatanga kushanyira vatungamiri venyika dzemuAfrica munguva pfupi inotevera kuti vazeye nezvematambudziko akatarisana nenyika.
Sangano reWOZA neChitatu rakaratidzira muHarare richishora mabatirwo ari kuitwa vari kutengesa mumigwagwa.
Mutihwini ane mukurumbira munyika Kirsty Coventry neChipiri manheru akatora menduru yegoridhe kumakwikwi e11th All Africa Games ari kuitirwa kuBrazzaville-Congo.
Vatsigiri venhabvu muZimbabwe vachiri netariro muchikwata chavo chemaWarriors kunyange chakatarika mukuita mangange pamusha nemaSyli Nationale ekuGuinea. Mutori wedu wenhau dzemitambo Michael kariati anotaura neve mumhuri yenhabvu.
Rodhai zvimwe