Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weGALZ Anoti Acharamba Achirwira Kodzero Dzenhengo Dzake


VaChesterfield Samba
VaChesterfield Samba

Kunyangwe hazvo mutungamiri wenyikaVaRobert Mugabe vachishora zvechingochani uye vakayambira nyika dzekunze kuti dzisamanikidzire tsika dzadzo kunyika yavo, mutungamiri wesangano reGays And Lesbians Of Zimbabwe (GALZ) VaChesterfield Samba vanoti vacharamba vachirwira kodzero dzenhengo dzavo.

VaSamba, avo vachangobva kupiwa mubairo wekushinga, vanoti kunyangwe hazvo zvakaoma kurarama sengochani muZimbabwe sezvo vachimbosungwa nekushungurudzwa, izvi hazvisi kuzovadzosera kumashure mubasa ravo rekurwira kodzero dzengochani.

VaSamba vanga vari muguta reWashington D.C. umo vanga vachitarisirwa kuita misangano nemamwe masangano anorwira kodzero dzengochani.

VaSamba vanoti zvanga zvakawoma kuti vabude pachena kuti ingochani asi kubvira pavakaita izvi varikuwana rutsigiro kubva kumhuri yavo.

Vanoti vazhinji vavo vanotyorerwa kodzero dzavo sezvo vachinyombwa, vachirambwa kana vakawanikwa kana kuwana, kana kudzingwa mabasa pane dzimwe nguva izvo zvino vashungurudza zvikuru.

VaSamba vanoti kunyangwe zvazvo sangano ravo ravepo kwemakore makumi maviri nemashanu, hazvisi nyore kurarama sengochani sezvo vachitarisana nematambudziko akawanda anosanganisirawo ayo anobatawo veruzhinji.

Vanoti kushaikwa kwemabasa munyika, kushaikwa kwemagetsi nemvura nehutongi hwejekerere kunovashungurudzawo pamusoro pekubatwa nekunze kweruwoko kwavanoitwa sengochani.

Hurukuro NaVa Chesterfield Samba
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG