Bato rePeople’s Democratic Party, iro raimbozivikanwa nerekuti MDC Renewal Team, rinoti mutungamiri waro VaTendai Biti vachatanga kushanyira vatungamiri venyika dzemuAfrica munguva pfupi inotevera kuti vazeye nezvematambudziko akatarisana nenyika.
Mutauriri webato iri VaJacob Mafume vanoti zvakakosha kuti nyika dzemuAfrica dzidyidzane zvakanyanya pakuyedza kutsvaga hutongi hwejekerere sehuri kutsvagwa muZimbabwe.
VaMafume vanoti VaBiti vari kutarisirwa kutanga vaenda kuBotswana uko vachasangana nemutungamiri wenyika iyi uye vari sachigaro weSADC VaIan Khama Seretse Khama, vozoenda kuSouth Africa nedzimwe nyika dzemuAfrica.
VaBiti vakasarudzwa neChishanu kuti vatungamire bato rePDP. Izvi zvinotevera kubuda kwavo nevamwe mubato reMDC rinotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai mushure mekunge vanetsana.