Accessibility links

Breaking News

SHONA NEWS HEADLINES SEPT 14


Ini ndini Marvellous Mhlanga Nyahuye ndichiti heinoi misoro yenhau dzanhasi…Muvhuro, Gunyana, 14, 2015

Vaimbova nhengo yeZanu-PF VaTemba Mliswa vanoti VaTsvangirai ndivo vanofanira kutungamira mubatanidzwa wemapato anopikisa kwete amai Joyce Mujuru.

VaTendai Biti vanotungamira bato rePeople’s Democratic Party voronga kuita hurukuro nevatungamiri venyika dzemuSADC.

Vanhu vakapwanyirwa dzimba kuCaledonia voenda kumatare.

Mutihwini Kirsty Coventry anoti makwikwi emaOlympics eRio- 2016 ndiwo achave ekupedzisira achikwikwidza.

Muchirongwa cheLivetalk na 8:30 pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu mumapato anopikisa.

Iyi ndiyo misoro yenhau dzedu dzanhasi...munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 12080, ne 15460 Kilohertzs pa Shortwave kana paFacebook page yedu yevoa Shona.

SHONA NEWS HEADLINES SEPT 14
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG