Accessibility links

Breaking News

South Africa Yowedzera Nguva Yekuti Vanhu Vanotora Mapepa Avo


Zvizvarwa ZveZimbabwe Zviri MuSouth Africa Zvokurudzirwa kuti Zviende Kunonzwa Mamiriro Akaita Mapepa Avo Ema ZSP Permits.
Zvizvarwa ZveZimbabwe Zviri MuSouth Africa Zvokurudzirwa kuti Zviende Kunonzwa Mamiriro Akaita Mapepa Avo Ema ZSP Permits.

Hurumende yeSouth Africa yawedzera nguva yekuti zvizvarwa zveZimbabwe zvakawana mapepa zviri munyika iyi zvitore mapepa ekushanda munyika pasi pechirongwa cheZimbabwe Special Permit.

Chirongwa ichi change chichipera neChipiri asi chawedzerwa kusvika musi wa 22 Gumiguru.

Vasati vapihwa mapepa vaine humbowo vanonzi vaende kumahofisi akatarwa munzvimbo dzakasiyana siyana, kana kuti Permit Facilitation Centres.

Sachigaro wesangano reGlobal Zimbabwe Forum, VaSolomon Chikowero, vanoti kunyange nguva yakawedzerwa ichiita kunge shoma, vanhu vanofanirwa kuenda kunonzwisisa kuti chiyi chiri kudiwa kuti vapihwe mapepa avo vasamirire kuti nguva iyi ipere.

"Hapana anosungwa kana akaenda kunovhunza kuti mapepa avanofanirwa kunge vai navo ndeapi kuti vagare muSouth Africa, uye kuti zviyi zvinodiwa kuti vawane mapepa aya," Va Chikowero vanodaro.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zvamukira kumahofisi ema Permit Facilitation Centers munharaunda dzakasiyana siyana muSouth Africa vachida kunzwa kuti nyaya yemapepa avo yange yakamira seyi.

Magwaro aya ari kupihwa zvizvarwa zveZimbabwe ndeye makore matatu uye pachapera nguva iyi vanenge vasina kugadzisira mapepa avo emunyika iyi havazokwanise kuramba vachiwedzerwa nguva pasi pemaZimbabwe Special Permits.

Hurumende ye South Africa inoti zvizvarwa zveZimbabwe zvinosvika mazana maviri ezviuru zvakanyorera kuti zviwane mapepa aya.

Asi vanhu vanosvika zana nemakumi masere neshanu ezviuru ndivo vakapihwa mvumo yekugara nekushanda muSouth Africa, vanhu vanodarika zviuru gumi vakanyimwa.

Hazvisati zvazivikanwa kuti chiyi chichaitika kune vanhu vakanyimwa ava.

Asi VaChikowero vanoti vanhu ava vanofanira kusatya kunovhunza kwavaka nyorera mapepa avo kuti chiyi chimwe chavangaite kuti varambe vari munyika iyi zviri pamutemo.

Hurukuro NaVa Solomon Chikowero
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG