Sangano reWOZA neChitatu rakaratidzira muHarare richishora mabatirwo ari kuitwa vari kutengesa mumigwagwa.
Sangano iri rakaendesa tsamba yenyunyuto kugurukota rezvekutongwa kwematunhu VaSaviour Kasukuwere.
Hurumende inoti makanzuru ose emunyika anofanira kudzinga vose vanotengesa zvinhu mumigwagwa. Asi vanotengesa mumigwagwa ava vanoti havana kugadzirirwa nzvimbo itsva dzekutengesera zvinhu zvavo.
Imwe nhengo yeWOZA muzvare Taurai Nyamanhindi vekuChitungwiza vanoti zvinonetsa ndezvekuti vazhinji vari kutarisana nedambudziko iri madzimai vamwe vavo vakatotadza kuendesa vana kuzvikoro mushure mekushaya mari.
Muzvare Nyamanhindi vanoti kunyangwe zvazvo vasina kuwana mukana wekusangana naVaKasukuwere vari kufara nekuti dzimwe nhengo dzavo dzakakwanisa kusiya tsamba yenyunyuto kuhofisi yavo.
Parizvino veruzhinji vanoita zvekutengesa mumigwagwa vanonzi vari kunonga svosve nemuromo izvo zvatsinirwa naMuzvare Nyamanhindi.
Zviuru nezviuru zvevanhu zvakabviswa mumigwgwa nemapurisa ekanzuru asi vamwe vevanhu ava vari kuramba vachiita hwagonzo nakiti nemapurisa ekanzuruaya sezvo vari kuti havana mabasa.
Nyaya yekusamira zvakanaka kwehupfumi hwenyika ndiyo yapa kuti vanhu vakawanda vagume vaita basa rekutengesa zvinhu mumigwagwa. Asi vemabhizimisi vanoti vanhu ava vari kuvakanganisa mabasa ravo vachiti vanotambira danho rekuvabvisa mumigwagwa