Mutungamiri weMDC-T VaMorgan Tsvangirai nevamwe vakuru vebato ravo vorambidzwa kushanyira vasungwa kujeri reChikurubi.
Vanorwira kodzero dzevanhu Doctorr Patson Dzamara vari muNew York umo vachabatana nezvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica mukuratidzira pachauya mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe kumusangano weUnited Nations svondo rinouya.
Vanoita zvemitambo VaSilvanhos Mudzvova nezuro vakapambwa kumba kwavo vakazoonekwa varohwa zvakaipisisa nevanofungidzirwa kuti vasori.
VaZvorwadza vesangano reNational Vendors Union Zimbabwe vanoti vanga vachida kunosiya gwaro pakamba yemapurisa yeHarare Central Police Station rino kurudzira kuti gurukota rezvekutongwa kwematunhu VaSaviour Kasukuwere vasungwe nemhosva yehuwori.
Mapato ezvematongerwo enyika anopikisa hurumende ari pasi peNERA oronga kumwe kuratidzira kune mutsindo mukupera kwesvondo achida kuti mitemo ine chekuita nesarudzo ivandudzwe.
Mapurisa okandira nhengo dzeTajamuka dzange dzichiratidzira muHarare hutsi hunokachidza.
Vamwe vechidiki vaviri vange vari pachirongwa cheMandela Washington Fellowship vakaita hurukuro yeBudiriro mumatunhu nekodzero dzevanhu pamuzinda weAmerica muHarare nemusi weChipiri.
Sangano re Zimbabwe Association Of Doctors For Human Rights rinoti harisikufara nehutsi unokachidza huri kukandirwa vanhu vanenge vachiratidzira nemapurisa sezvo huchikwanisa kuzokonzera zvirwere.
Dare repamusoro rinoti richanzwa nemusi wa7 Gunyana nyaya yakakwidzwa nemagweta anorwira kodzero dzevanhu yekuramba kutambira mutongo wekuti vanhu vasaratidzire muHarare.
Mushure mekusvika munyika neMugovera mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakashoropodza vari kuita zvekuratidzira munyika vakakurudzira kuti kuratidzira uku kuchipera. Vachitaura pamusangano wevechidiki muHarare VaMugabe vanonzi vakatyisidzira vatongi vematare nekubvumidza kuratidzira.
Murairidzi wechikwata cheDynamos anoti ane chivimbo chekuti chikwata chake cheDynamos chicharova Highlanders mumutambo wavo neSvondo kunhandare yeBarbourfields. Izvi zvinotevera kukunda kwakaita chikwata chake Chapungu 1-0, chibonzwa chakanwiswa nemwana wake Wisdom Mutasa uyo ave kutambira Dynamos.
Magweta anorwira kodzero dzevanhu opikisa mutemo wemapurisa wekurambidza vanhu kuratidzira muguta reHarare.
Mukuru wekambani yeFacebook VaMark Zuckerberg vari muKenya pari zvino mushure mekushanyira Nigeria. VaZuckerberg vari kusangana nevemabhizinesi emadandemutande emunyika idzi zvikuru vechidiki.
Studio 7 nhasi yaparura chirongwa chitsva che LiveTalk Diaspora Forum icho chinopa zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika mukana wekuzeya nezve matambudziko enyika kana zvavari kusangana nazvo munyika dzavagere Chitatu chega chega. Jonga Kandemiri anotaura mushure mekuparura chirongwa ichi.
Chikwata chenhabvu chemaWarriors chatanga gadziriro yacho yemutambo wekupedzisira wema qualifiers e Africa Cup Of Nations achatambirwa kuGabon.
Mapurisa akawanda omira nekufamba famba mumigwagwa yemuHarare kuyedza kudzivisa vanhu kuratidzira.
VaPatson Dzamara munin’ina wemurwi wekodzero dzevanhu akapambwa VaItai Dzamara votaura pamusoro pekushinga kwakaita ruzhinji rweZimbabwe urwo rwuri kuratidzira kunyangwe hazvo paine mashoko ekuti vari kutyisidzirwa nekushungurudzwa nemapurisa.
Muimbi ane mukurumbira, Thomas Mapfumo, anoti achabatana nevamwe vana veZimbabwe vachanoratidzira mwedzi unouya kuNew York pachatanga musangano weUnited Nations.
Mhuri yekwa Mandimutsira ino gara muHarare irikutsvaga rubatsiro kubva kune veruzhinji kuti vakwanise kurapisa mwanasikana wavo Bridget ane makore manomwe ane gomarara.Vabereki vaBridget vanoti mwanasikana wavo akatanga kurwara ane mwedzi mitatu uye varikutsvaga rubatsiro rwekumurapisa kuSouth Africa.
Vanhu vanosvika makumi masere vakasungwa mushure mekuratidzira musi weChishanu vomiswa pamberi pedare vamwe vachisungwa panze pedare ramejastiriti muHarare.
Rodhai zvimwe