Vamwe vechidiki vaviri vange vari pachirongwa cheMandela Washington Fellowship vakaita hurukuro yeBudiriro mumatunhu nekodzero dzevanhu pamuzinda weAmerica muHarare nemusi weChipiri.
Vaviri ava igweta muzvare Tariro Tandi naVaVivid Gwede vanoshanda nesangano reZimRights.
VaGwede vanoti musangano wavo wakazeya mafambiro ari kuita nyaya dzinosanganisira dzekodzero dzevanhu, nyaya dzehutongo hwejekerere ne nyaya dzebudiriro.
VaGwede vanoti vane zvizhinji zvavakadzidza kuAmerica pavakange vari pamusangano weMandela Washington Fellowship For Young African Leaders gore rino zvichavabatsira mukuyenzanisa mafambiro ari kuita zvinhu munyika nezviri kuitika munyika dzakabudirira.
VaGwede nevamwe zvimwe zvizvarwa zvemuZimbabwe zvinosvika makumi matanhatu vakabatana nevamwe vechidiki vanosvika chiuru kubva kunyika dzemuAfrica kupinda muchirongwa ichi.
"Nhasi tawana mukana wekuzeya nevechidiki vanobva kuzvikoro zvepamusoro nevamwewo pamusoro nyaya dzekumbunyikidzwa kwekodzero dzevanhu, budiriro ne hutongi hwejechetere," VaGwede vaudza Studio 7.
Zvichakdaro, chirongwa chitsva che Mandela Washington Fellowship For Young African Leaders chiri kutarisirwa kuvhurwa kupera kwemwedzi uno uye vanoda kupinda machirongwa ichi vanokwanisa kunyorera kumuzinda weAmerica uri muHarare.