Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzanhasi Muvhuro Gunyana 5, 2016

Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Dare repamusoro rinoti richanzwa nemusi wa7 Gunyana nyaya yakakwidzwa nemagweta anorwira kodzero dzevanhu yekuramba kutambira mutongo wekuti vanhu vasaratidzire muHarare.

Mapato anopikisa oshora mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vachiti vari kutyisidzira vatongi.

VaStan Zvorwadza voratidzira muHarare kuratidza kusatambira mutemo wemapurisa wekuti vanhu vasaratidzire.

Vabereki voshaya mari mumabhanga zvopa kuti vamwe vati zvichavaomera kutumira vana kuchikoro mangwana sezvo kuri kudiwa mari dzechikoro.

Tichakupai nhau dzemitambo yange iripo mukupera kwesvondo.

Muchirongwa cheLiveTalk na8.00 pm tiri kutarisa kmashoko emutungamiri wenyika VaRobert Mugabe ekushora vamwe vatongi. Vamwe vanoti VaMugabe vari kutyisidzira vematare.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 6065, ne 15460 kilohertzs pa shortwave.

Musakanganwa kufarira Facebook page yedu yeVOA Shona: https://www.facebook.com/voa.shona/

Misoro yeNhau Dzanhasi Muvhuro Gunyana 05, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG