Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzedu Dzanhasi, Muvhuro, Nyamavhuvhu 29, 2016.


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Vanhu vanosvika makumi masere vakasungwa mushure mekuratidzira musi weChishanu vomiswa pamberi pedare vamwe vachisungwa panze pedare ramejastiriti muHarare.

Mamwe masangano oronga kuratidzira nyika yose nemusi weChitatu.

Amnesty Internation yokurudzira hurumende kuti isimbaradze kutsvaga Itai Dzama pazuva revanhu vakapambwa kana kuti International Day of the Disappeared.

Amai Elizabeth Tsvangirai vari kukumbira mhuri yeZimbabwe kuti ibatsire Bridget Mandimutsa mwana ane makore masere uye ane gomarara reganda.

Tichaita ongororo yekongiresi yeZAPU yakaitwa mukupera kweSvondo.

Tichakupai nhau dzemitambo yeCastle Lager Premier Soccer League.

Muchirongwa cheLiveTalk na8.30 pm tiri kutarisa nyaya yekusungwa kwevanhu nekusagadzikana kwaita nyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai whatsapp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio 7, tibateyi na 7 pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz pa Short Wave

Musakanganwe kufarira Facebook Page yedu yeVOA Shona: https://www.facebook.com/voa.shona/?fref=ts

Misoro yeNhau Dzanhasi Muvhuro Nyamavhuvhu 29, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG