Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzanhasi, Chishanu Gunyana 09, 2016


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mapurisa okandira nhengo dzeTajamuka dzange dzichiratidzira muHarare hutsi hunokachidza.

KuBulawayo, mapurisa orambidza bato reZimbabwe People First kuita musangano waro.

Hurumende yodzinga vanhu vakagara mumapurazi neminda mirefu kuManicaland neMashonaland West.

Vashandi vehurumende vanoti havasi kutambira danho rekuda kuvagumura basa uye kuvanyima mabhonasi.

Vanhu vekuMasvingo vatarisana nenzara inotyisa uye vachiti pari kuitwa zvematongerwo enyika pakugovera vanhu chikafu.

Muchirongwa cheLiveTalk--na8.00 pm tiri kutarisa mashoko akaturwa negurukota rezvehupfumi VaPatrick Chinamasa nezuro vachiti vachagumura vashandi uye kudzikisa mari dzinoshandiswa nehurumende.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 6065, ne 15460 kilohertzs.

Musakanganwe kutifarira paFacebook nekudzvinya pakanzi Like.:

https://www.facebook.com/voa.shona

Misoro yeNhau Dzanhasi Chishanu Gunyana 09, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG