Accessibility links

Breaking News

Thomas Mapfumo Obatana neVamwe Mukuraratidzira Kusafarira VaMugabe kuNew York


Muimbi anemukurumbira Thomas Mapfumo
Muimbi anemukurumbira Thomas Mapfumo

Muimbi ane mukurumbira, Thomas Mapfumo, anoti achabatana nevamwe vana veZimbabwe vachanoratidzira mwedzi unouya kuNew York pachatanga musangano weUnited Nations General Assembly uyo uri kutarisirwa kupindwawo nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

VaMapfumo vanoti zvakakosha kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviratidzire kusafara kwavo nemafambisirwo ari kuita zvinhu munyika sezvo iri kodzero yemunhu wese kuti aite izvi kana zvinhu zvisiri kufamba zvakanaka.

VaMapfumo vanoti vachange vasiri kuita zvemagitare apo vacharatidzira sezvo varikuda kubatana nezvizvarwa zveZimbabwe mukuratidza hurumende dzepasi rose kunyanya mutungamiri wenyika VaMugabe kuti zvinhu zvinofanirwa kushanduka munyika.

"Ini ndiri muimbi asi pakuratidzira kuchange kuchiitika kuNewYork ndinenge ndisiri kuita zvekuimba ndichange ndakabatana nevamwe tichiratidzira nekushora huwori nekumbunyikidzwa kurikuitwa zvizvarwa zveZimbabwe nehurumende yaVaMugabe iyo isisadiwe neveruzhinji," VaMapfumo vaudza Studio 7.

Masangano akadayi se #ThisFlag inotungamirwa na Pastor Evan Mawarire, Tajamuka, Occupy Africa Unity Square nemamwe masangano akazvimirira neematongerwo enyika vakabatana nezvizvarwa zveZimbabwe zvinobva kumaguta akasiyana vari kutarisirwa kubatana pakuratidzira uku .

Vamwe vari kutarisirwa kunge vari pakuratidzira uku vanosanganisira VaPatson Dzamara munin'ina wemurwi wekodzero dzevanhu VaItai Dzamara avo vakatsakatika gore rapera.

Hurukuro Na Thomas Mapfumo
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG