Gurukota rezvevashandi, VaNicholas Goche, vakamirira hurumende vasangana nevamiriri vevashandi pamwe nevashandirwi pamusangano weTripartite Negotiating Forum TNF
MDC T inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti haisati yatanga kuvandudza bumbiro rebato kanawo hurongwa hwekuti mutungamiri webato iri, ave zvakare munyori wekutanga sezviri kuburitswa mune mamwe mapepanhau
Musika wemari weZimbabwe Stock Exchange, ZSE, unonzi washanduka kuve kambani zvichitevera chibvumirano chinonzi chanyoreranwa pasi pakati pevanga vachitungamira musika uyu nehurumende yakamirirwa negurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa
Sangano reMedia Institute of Southern Africa muZimabwe, MISA-Zimbabwe, rinoti riri kushushikana zvikuru nekunonoka kuvandudzwa kwemitemo inotyora bumbiro idzva remitemo yenyika
Nyaya yekuramwa mabasa kwevashandi vekanzuru yeChitungwiza yapinda mudare reLabour Court muHarare umo yanzwikwa neChitatu.
Musangano uyu unonzi uri kutarisirwa kuzeya nyaya yekuti nhaurirano dzemapoka matatu aya dzive mutemo, kana kuti Tripatite Negotiating Forum Bill
Vashandi vekanzuru yeChitungwiza vadzokera kumabasa vose kunyange hazvo tsamba inonzi yakanyorwa negurukota rezvevashandi, VaNicholas Goche, neChina chapfuura haisi yechokwadi.
Meya weHarare, VaBernard Manyenyeni, vatenda kuti vashandi veguta ravo vari kuronga kuramwa mabasa, vakati vatomboita musangano wechimbichimbi nevamiriri vevashandi
Kuramwa mabasa kwevashandi vekanzuru yeChitungwiza kwapinda muzuva rechina, pasina chagadziriswa
Kuramwa mabasa kwevashandi vekanzuru yeChitungwiza kuri kuenderera mberi zvichitevera kutadza kuwirirana kwavaita nevashandirwi kumusangano wekuedza kuyananisa wakokerwa nevakuru kumahofisi ezvevashandi nemabasa muHarare
Sachigaro weZESN, Doctor Reverend Solomon Zwana, vanoti ZEC yakavhura nzvimbo dzekuvhotera nenguva chaidzo, sarudzo ikaitwa murunyararo uye nehunyanzvi.
NeChitatu mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakapa varimi vanodarika makumi manomwe vekuMashonaland West matsamba emvumo yekuti varimi vadiki ava vagare paminda yavakapiwa mushure mekutorerwa ivhu kwevarimi vechichena
Sangano reNational Aids Council, NAC, ratanga neChitatu musangano wemazuva maviri nevatungamiri vemasangano evashandi emunyika richivapa ruzivo rwekuti sangano iri rakambomira sei, rinoshanda sei uye kuti zvinangwa zvaro ndezveyi
PTUZ inoti yakaita musangano negurukota rezvedzidzo yepasi neyepamusoro, VaLazarus Dokora, vakakurukura nyaya dzakawanda dzinonzi dziri kukanganisa mafambisiriwo ebasa munyaya dzedzidzo
Sangano rinobatsira nechikafu pasi rose, reWorld Food Program (WFP) rinoti zvinhu zvagadzikana zviri nani munyaya dzechikafu munyika zvichienzaniswa negore rapera.
Mutauriri wesangano revagari reChitungwiza Residents Trust, VaMarvellous Khumalo, vanoti kanzuru yakatora danho iri isina kutanga yagarawo pasi navo pamwe nevamwe vose vane chekuita nekanzuru
VaMusarara vanoti sangano ravo rinoda kuti hurumende itore danho iri kubva kutanga kwaChikunguru kusvika kupera kwaMbudzi, kuitira kuti varimi vemunyika vakwanise kutengesa chibage chavo pasina makwikwi nechinobva kunze kwenyika, icho chinonzi chiri kutengwa nemutengo uri pasi kwazvo
Rimwe sangano revarairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti raziviswa nebazi rezvedzidzo kuti harichabvumidzwi kupinda muzvikoro richisangana nenhengo dzaro
Gwaro rakaburitswa nehofisi yaAccountant-General rinoti izvi zvakanyanya kukonzerwa nekuderera kwemari dzemitero dzakawanikwa nehurumende
Hurumende inoti panofanirwa kutorwa matanho akasimba zvikuru mukupedza mabasa evanhu vanobata madzimai nevanasikana chibharo
Rodhai zvimwe