Accessibility links

Breaking News

Vamiriri veVashandi Vozeya neNational Aids Council Dambudziko reHIV/AIDS


National Aids Council inoti musangano uyu uchabatsira vashandi kudzidzisana nezveHIV/Aids
National Aids Council inoti musangano uyu uchabatsira vashandi kudzidzisana nezveHIV/Aids

Sangano reNational Aids Council, NAC, ratanga neChitatu musangano wemazuva maviri nevatungamiri vemasangano evashandi emunyika richivapa ruzivo rwekuti sangano iri rakambomira sei, rinoshanda sei uye kuti zvinangwa zvaro ndezveyi.

Mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muNAC, Muzvare Madeline Dube, vanoti musangano uyu, uyo uri kuitirwa kwaMutare uchipindwa nevanhu vanodarika makumi matanhatatu, uri kupawo mashoko ekuti iyo HIV yakambomira sei pari zvino.

Muzvare Dube vanoti nyaya dzichakurukurwa pamusangano uyu dzinosanganisira nzira dzekudzivirira nadzo kutapuriranwa kwechirwere cheshuramatongo dzakaita sekukshandiswa kwemakondomu, kuchecheudzwa kwevanhurume pamwe nekuwaniswa kwemishonga.

Vanhu vangangosvika miriyoni nemazana matatu ezviuru vanonzi vanorarama nehutachiwana hwe HIV munyika, uye pavanhu ava vanhu vanodarika mazana matanhatu ezviuru vari kunetsekana kuti vavane mushonga.

Nhengo dzemasangano anosanganisira Zimbabwe Congress of Trade Unions, Zimbabwe Federation of Trade Unions, Progressive Teachers Union of Zimbabwe neZimbabwe Teachers Association dziri kupinda musangano uyu, uyo unotarisirwa kupera nemusi weChina.

Muzvare Dube vanoti vanovimba kuti pachapera musangano uyu vamiriri ava vachanga vadzidza zvakawanda zvekuti vazonodzidzisawo nhengo dzavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG