Gurukota rezvemabasa nekugara zvakanaka kwevanhu, VaNicholas Goche, nemusi weChina vari kutarisirwa kusangana nevamiriri vevashandi pamwe nevashandirwi pamusangano unonzi wakakosha zvikuru weTripatite Negotiating Forum, TNF.
Musangano uyu unonzi uri kutarisirwa kuzeya nyaya yekuti nhaurirano dzemapoka matatu aya dzive mutemo, kana kuti TNF Bill.
Zvimwe zvinokosha zvinonzi zvichakurukurwa pamusangano uyu inyaya yekubatanidzwa kwemitemo inobata zvemabasa kuti ifambirane nebumbiro idzva remitemo uye mitemo yezvemabasa yepasi rose.
Zvichasungwa mumusangano uyu zvinonzi zvichaendeswa kudare remakurukota, iro rinotarisirwa kuzotarisa nyaya idzi.
Munyori mukuru wesangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti musangano uyu wakakosha zvikuru kuvashandi sezvo pari zvino pasina mutemo unosunga zvinenge zvawiriranwa panhaurirano dzeTripatite Negotiating Forum.
Vanomirira vashandirwi, uye vari mukuru wesangano reEmployers Confederation of Zimbabwe, EMCOZ, VaJohn Mufukare, vati havakwanisi kutaura nezvenyaya iyi sezvo mutemo we TNF uchiti munyori webazi rezvemabasa, VaNgoni Masoka, ndivo chete vanofanirwa kutaura.
Studio 7 yakundikana kubata VaMasoka. Asi VaMasoka vakaudza bepanhau reHerald kuti zvose zviri mugwara kuti musangano uyu uitwe neChina.