Kuramwa mabasa kwevashandi vekanzuru yeChitungwiza kuri kuenderera mberi zvichitevera kutadza kuwirirana kwavaita nevashandirwi kumusangano wekuedza kuyananisa wakokerwa nevakuru kumahofisi ezvevashandi nemabasa muHarare.
Mutauriri wevashandi veChitungwiza, Reverend Ephraim Katsina, vanoti vakuru vekanzuru varamba kutaurirana navo vachiti vari kuramwa mabasa zviri kunze kwemutemo, izvo zvinonzi zvazoita kuti muyananisi ati achanyorera zvaasunga kugurukota rezvevashandi, iro richazotonga pamusoro penyaya iyi.
Vashandi veChitungwiza vakatanga kuramwa mabasa Chishanu chapfuura vachida kuti vapiwe mari dzavo dzemihoro idzo vasati vapiwa kwemwedzi inosvika gumi nemina.
Munyori mukuru wekanzuru yeChitungwiza VaGeorge Makunde vanonzi vakati vashandi vari mumapoka anonzi anokosha vari kuramwa mabasa vanofanirwa kusungwa sezvo vari kuisa hupenyu hwevanhu munjodzi.
Kanzuru iri kuti haina mari sezvo vagari vasiri kubhadharawo zvikwereti zvavo kukanzuru.
Kanzuru inonzi yakatotsvaga magweta kuti ayibatsire kutevera zvikwereti izvi.
Kuramwa mabasa uku kunonzi kwakanganisawo kufambiswa kwemabasa kuguta reChitungwiza sezvo marara asiri kuraswa uye pombi dzemvura netsvina dziri kuputika dzichinzi hadzisi kugadziriswa.
Mutauriri wesangano revagari reChitungwiza Residents Trust, VaMarvellous Khumalo vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo vagary vari kurwadziwa nedanho revashandi rekuramwa mabasa iri, vari kutsigira vashandi muhondo yavo yekuti vawane mihoro yavo.
Reverend Katsina vanoti pavanga vari kumusangano nevayananisi vanzwa kuti mapurisa ambosvika kumahofisi ekanzuru kwanga kwakaungana vashandi achivatsvaga.
Studio 7 yakundikana kubata meya weChitungwiza, VaPhilip Mutoti, kanawo VaMakunde sezvo nhare dzavo dzanga dzisingadairwi.