Accessibility links

Breaking News

Mari Shoma yeMitero Yosvavisa Homwe yeHurumende

Mari yemitero nemutengo wegoridhe wekunze kwenyika zvimwe zvezvinonzi zvakaderedza mari iri kupinda muhomwe yehurumende
Mari yemitero nemutengo wegoridhe wekunze kwenyika zvimwe zvezvinonzi zvakaderedza mari iri kupinda muhomwe yehurumende
Mari yakapinda muhomwe yehurumende mumwedzi mina yekutanga kwegore rino inonzi yakadzikira nemari inodarika madhora mamiriyoni makumi mashanu nemashanu kubva pa$1,17 billion yaitarisirwa.

Gwaro rakaburitswa nehofisi yaAccountant-General rinoti izvi zvakanyanya kukonzerwa nekuderera kwemari dzemitero dzakawanikwa nehurumende.

Mari yakawanikwa iyi inonzi zhinji yacho yakabva yadyiwawo nemihoro yevashandi vehurumende.

Hurumende inonzi yakatozivisa vashandi vayo kuti haisi kukwanisa kuvawedzera mari dzemihoro yepati pegore, sezvo isina mari.

Sangano reInternational Monetary Fund, IMF, ragara richikurudzira hurumende kuti ione zvaingaite nenyaya yevashandi vayo, avo vanonzi vakawandisa.

Nyanzvi mune zveupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanoti kuti hurumende ikwanise kuwana mari yakawanda inofanirwa kubatsira mukumutsiridzwa kwemakambani mazhinji ari kuvhara nekuda kwekuoma kwezvinhu.

“Upfumi hwenyika hunofanirwa kunge kuchifamba zvakanaka. Kana upfumi hwenyika huchinge husingafambi zvakanaka zvinokanganisawo mari dzinenge dzichipinda muhomwe yehurumende,” vanodaro VaChitambara.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
This item is part of
XS
SM
MD
LG