Sangano rinoongorora sarudzo munyika, reZimbabwe Election Support Network, ZESN, rinoti rakagutsikana nemafambisirwo akaitwa sarudzo yekutsvaga kanzura weWard 24 kuGutu South neMugovera.
Asi sangano iri rinoti kunyange hazvo riri kutambira zvakaitika, pacine zvimwe zvinhu zvichiri kutarisirwa kuti Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, iite.
Sachigaro weZESN, Doctor Reverend Solomon Zwana, vanoti ZEC yakavhura nzvimbo dzekuvhotera nenguva chaidzo, sarudzo ikaitwa murunyararo uye nehunyanzvi.
Sarudzo iyi yakaitwa mushure mekushaya kwevaive kanzura wenzvimbo iyi, VaBakuri Kufakunavo veZanu PF.
Vakakunda musarudzo iyi ndiVaTinopiwa Chatukuta veZanu PF avo vakawana mavhoti mazana masere nemakumi mashanu nemaviri, 852, avo vaikwikwidzana naVaNamatirai Chinyakata veMDC T, avo vakawana mavhoti mazana matatu ane gumi nematatu, 318, kuchitiwo VaTarwirei Mugadza veNCA, avo vakawanawo mavhoti makumi matatu nematatu.
Doctor Zwana vanoti chasara chinofanirwa kuitwa neZEC kushanda nemasangano akazvimirira munyaya yedzidziso pamusoro pesarudzo sezvo veruzhinji vairatidza sevakanga vasina ruzivo rwakakwana nezvaiitika.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi reZEC panyaya iyi.