Mhuri yemurwiri wekodzero dzevanhu uyo akatsakatika mazuva anoda kusvika mwedzi miviri yadarika, VaItai Dzamara, inoti kunyange iri kushushikana nemashoko ari kuburitswa, zvikuru pamadandemutande, pamusoro pekutsakatika kwavo, haisi kuzokanganiswa mutarisiro yayo yekuti vachadzoka kumba nerimwe zuva vachizobatana nemhuri yavo zvakare