Musika wezviratidzwa weZimbabwe International Trade Fair, ZITF, wavhurwa muguta reBulawayo, vari kuronga vachiti vari kufadzwa nekuwanda kwevari kuratidza zvigadzirwa zvavo gore rino, pachienzaniswa nevaivepo gore rapera.
Zvinonzi gore rino vari kuratidza zvinhu zvavo vawedzera nezvikamu zviviri kubva muzana kusvika pamazana mana nevana, zvichienzaniswa nemazana matatu nemakumi mapfumbamwe nevatanhatu vaivepo gore rapera pakavharwa musika uyu.
Asi vamwe vane ruzivo nezvechirongwa ichi vanoti vanhu vashoma ndivo vanga vagadzira nzvimbo dzavo dzekuratidzira vari panguva yavhurwa.
Gwaronhau reZITF rinotiwo vari kuratidza zvigadzirwa zvavo vanobva kunyika gumi nepfumbamwe kusanganisira Switzerland, iyo inonzi yadzoka mushure menguva yakareba yambomira, pamwe neCyprus, iyo inonzi iri kupindawo kekutanga gore rino.
Dingindira regore rino rinoti “Stimulating Trade, Seizing Opportunities to Accelerate Growth,’’ uye mutungamiri weZambia, VaEdgar Lungu, ndivo vari kutarisirwa kuvhura musika uyu zviri pamutemo nemusi weChina svondo rino.
Trade Fair yegore rino ndeyechimakumi mashanu nenhanhatu, (56th edition).
Nyanzvi mune zveupfumi, vachishanda vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vanoti kuwanda kwevari kuratidza zvinhu zvavo hakubatsire kana pasina vemakambani vanozosima mari dzavo kana kutanga mabhizimusi munyika panopera hurongwa uhwu.
VaKuchera vanoti mukupedzisira, vazhinji vevari munyika ava vanenge voita zvavo sevauya kuzororo sezvo pasina vemunyika vavachazonyorerana navo zvibvumirano zvekuita bhizimisi nekuda kwekuburitswa kwevanhu mabasa pamwe nekuvharwa kwemakambani.