Dare rinotonga nyaya dzesarudzo, reElectoral Court neMuvhuro ranzwa nyaya yakakwidzwa kudare iri nemutungamiri webato reZapu, VaDumiso Dabengwa, avo vanoda kuti dare iri rimanikidze Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, kuti isashandise mitemo ine chekuita nesarudzo iyo isati yavandudzwa sezvinodiwa nebumbiro idzva remitemo yenyika.
Mumagwaro avo kudare, VaDabengwa, avo vanga vakamirirwa nemagweta eZimbabwe Lawyers for Human Rights, Advocate Tererai Mafukidze vachibatsirwa naVaBryant Elliot, vanoti ZEC haina zvairi kuita pakunyoresa vavhoti, kuongorora pamwe nekuchengetedza gwaro iri, uye kuriwanisa kune vanenge vachirida sezviri mubumbiro idzva remitemo.
Mutauriri weZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaKumbirai Mafunda, vanoti mutongi wedare iri, Judge Justice Chinembiri Bhunu, havana kuzivisa mutongo wavo panyaya iyi, uye havanawo kutara zuva ravachazotura mutongo wavo.
VaDabengwa vakakwirira dare ZEC pamwe negurukota rezvemitemo, Va Emmerson Mnangagwa.
Bazi rezvemitemo ndiro rinofanirwa kuvandudza mitemo ine chekuita nesarudzo kuitira kuti ifambirane nezviri mubumbiro idzva.
Asi mukupikisa nyaya iyi, ZEC inoti haina zvikwanisiro zvekuti izadzise zvose zvainotarisirwa kuita, sezvo isina mari.
Asi magweta aVaDabengwa anoti ZEC haifanirwe kusiiwa ichityora mitemo nepamusana pekuti ine zvipingaidzo zvayakatarisana nazvo.
ZEC yakazivisa mazuva mashoma adarika kuti ndiyo yave kubata mabasa ose ainge achiitwa nehofisi yaRegistrar General, kusanganisira kunyoreswa kwevanoda kuve vavhoti.
Komisheni iyi inonzi yakazivisawo kuti haikwanisi kugadzira gwaro revavhoti idzva, sezvo isina mari inodiwa, iyo inosvika kumamiriyoni makumi mashanu emadhora.
Asi magweta aVaDabengwa anoti hapana zvikonzero zvinofanirwa kutambirwa pakutyora bumbiro remitemo yenyika.