Kurwiswa kwezvizvarwa zvekune dzimwe nyika muSouth Africa kunonzi kwasiya vana veZimbabwe vari munyika iyi vakabatira ura mumaoko.
Izvi zvinonzi zvakazosimbiswawo zvakare nemashoko akataurwa nemutungamiri wenyika iyi, VaJacob Zuma, kutanga kwesvondo rino ekuti nyika dzakapoteredza South Africa dzine chekuitawo nemhirizhonga yekurwiswa kwezvizvarwa zvekunze kwenyika iyi.
Vachitaura kumhuri yenyika yavo pazuva rekucherechedza rusununguko rwenyika yavo, VaZuma vakati sei zvizvarwa zvenyika idzi zviri muSouth Africa, zvisingagare munyika mazvo?
VaZuma vakati nyika idzi dzinofanirwawo kugadzirisa zvinhu kuitira kuti zvizvarwa zvadzo zvisatiza zvichimhanyira kuSouth Africa.
VaZuma vakatiwo vamwe vevari munyika yavo vave kuita zvehumbavha nezvimwe zvakaipa zvinosanganisira kushandisa mazita asiri avo.
Vachitaurawo muHarare nevatori venhau mushure memusangano weSADC Extra Ordinary Summit, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vatiwo vanonzwa kuti vamwe vevana veZimbabwe vari muSouth Africa vanongonzi vari kukiya-kiya, vachiita humbavha nehubhinya.
Vati vazhinji vevanhu ava vari kushanda mumapurazi, vachiita mabasa asina maturo.
Vamwewo vanhu ndivo vanoti vanhu ava vari kupedzera vanhu venyika iyi zviwanikwa zvavo, uye kuwedzera mari inodiwa pakuwanisa vanhu zvikwanisiro.
Asi mubvunzo unozosara uripo ndewekuti, zvose izvi zvingaita here kuti vanhu vaurayane?
Vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira vari paTswane University, muSouth Africa, VaRicky Mukonza, vanoti vanowirirana nemashoko aVaZuma, sezvo ruzhinji rwevanhu vari muSouth Africa vasina magwaro ekuvabvumidza kugara munyika iyi zviri pamutemo.
VaMukonza vanoti mapindiro anga achiita vanhu munyika iyi kubva mugore ra2002 vanga vakanyanya kuwandisa zvekuti South Africa yanga yotadza kuriritira vanhu ivava pamwe nezvizvarwa zvayo.
Asi vanoongorora zvematongerwo enyika uye vari nhengo yeZanu PF, VaMorris Ngwenya, vanoti havawirirane nemashoko emutungamiri weSouth Africa aya, sezvo zvizvarwa zvekune dzimwe nyika zvakangopararira nepasi rose.
VaNgwenya vanoti kana VaZuma vachiti dzimwe nyika dziri kutadza kugadzirisa zvinhu uye havadi zvizvarwa zvekune dzimwe nyika, vanofanirwa kudzinga vose vekunze vane hunyanzvi vari kushanda munyika iyi vachiisimudzira, kwete kungotaura nevepasi chete.