Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri kugara kunze kwenyika chinoita zvemumhanzi, Tatenda Sandra Mashiringo, uyo anozivikanwa mubasa rake rekuimba nezita rekuti “Queen Mashie”, ari munyika umo ari kugadzirira kuparura dambarefu rake idzva nemusi weChina kuBook Café muHarare.
Dambarefu iri iro rinonzi “Time” rine nziyo gumi neimwe kusanganisira kanonzi “Moto” ako anoti akaimba akanangana nemhirizhonga yemarudzi iri kuitika muSouth Africa.
“Queen Mashie”, uyo anove hanzvadzi yemushakabvu Andy Brown, anoti achabatana nemuzukuru wake Ammara, mwanasikana waBrown pamutambo uyu.
Mashiringo aimbogara kuKenya asati aenda kuFrance uko ave kugara pari zvino.
Muimbi uyu anoimba musambo wenziyo dzechinyakare pamwe nekuridza mbira, uye anoti anotarisira kuti mimhanzi yake ichatambirwa nevana veZimbabwe vose vari munyika nevari kunze.